Chitatu, Chikunguru 29, 2015 Local time: 13:26

Nhau / Africa

Zimbabwe Yobatsirwa neMari yeKubatsira Hutano hweVanhukadzi

x
Sylvia Manika
Hurumende yeZimbabwe ichitsigirwa nesangano reUnited Nations Children’s Fund, Unicef, yaparura chirongwa chekudzivirira kufa kwemadzimai akazvitakura pamwe nekuti asabatwe nechirwere chegomarara remuchibereko.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chine rutsigiro rwemari inoita mamiriyoni makumi matanhatu emapaunzi yabviswa ne Sweden, Irish Aid, pamwe ne United Kingdom Agency for International Aid, UKAID, gurukota rezveutano, Dr Henry Madzorera, vatenda zvikuru nyika dzapa Zimbabwe mari iyi vachiti hurumene ichashanda zvakasimba mukuona kuti mari idzi dzashandiswa nemazvo.

Dr Madzorera vati chirongwa ichi chakakosha zvikuru, uye chichabatsira madzimai munyika mukudzivirira chirwere chegomarara remuchibereko.

Vatiwo chirongwa ichi chichabatsirawo mukudzivirira mhirizhonga kumadzimai nevanasikana.

Dr Madzorera vati sezvo madzimai mazhinji ari kufa nechirwere chegomararara remuchibereko, cervical cancer, hurumende iri kufara kuti mari zhinji ichaenda kunogadzirisa dambudziko iri. Vatiwo madzimai mazhinji ari kufa nechirwere ichi nenyaya yekushayiwa ruzivo pamwe nekudhura kunoita kuongororwa kwechirwere ichi.

Vati zvipatara zvehurumende, kuburukidza nechirongwa ichi, zvichange zvichivheneka madzimai chirwere ichi pachena pasina mubhadharo. Vatiwo kuvhenekwa kwechirwere ichi kunobva kwaburitsa zvawanikwa zviri mumuviri ipapo, kwete kumira kwenguva yakareba munhu asati aziva sezvanga zvichiitika.

Vanomirira UNFPA muZimbabwe, VaBasile Tambashi, vati sangano ravo rakazvipira mukushanda nehurumende pachirongwa ichi. VaTambashi vati chirongwa chaparurwa ichi chakanangana nekusimudzira hutano hwemadzimai.

Vachitaurawo pachiitiko ichi,  mukuru we UKAID, Amai Jane Rintoul, vati hurumende yeBritain icharamba ichiedza nepose painogona napo kubatsira Zimbabwe kuti ikwanise kusimudzira hutano hwemadzimai kunyanya pakupedza mhirizhonga yemadzimai nevanasikana.

Vamwe vanga varipo pangungano iri vanosanganisira mukuru weNational AIDS Council, VaTapuwa Magure,  mukuru wechirongwa cheTB neHIV/AIDS mubazi rezveutano, Doctor Owen Mugurungi, vanoona nezvekubudiswa kwemashoko mukanzuru yeHarare, VaLeslie Gwindi,  pamwe nemukuru wezvehutano mukanzuru yeHarare,  VaStanley Mungofa.

You May Like

Vanyori Vochema neMari Shoma Yavari Kuwana Kubva kuMabhuku Avakanyora

Vanyori vemabhuku munyika vanoti vave kuyaura nenhamo sezvo makambani anodhinda mabhuku asisavabhadhare mari dzemabhuku sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi. Onai zvimwe

Chibage Chakatengwa kuZambia Chopinda Chakawanda Muna Gunyana

Vari kutungamira kupinzwa munyika kwechibage chakatengwa nevemabhizimusi akazvimirira kubva kuZambia vanoti kubva mwedzi waGunyana vanenge vokwanisa kupinza chibage chakawanda pane chiri kupinda munyika pari zvino Onai zvimwe

VaObama Vokurudzira Hutongi hweJechetere muAfrica

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vanoti vatungamiri vemuAfrica vanofanirwa kutonga zvine jechetere uye kana nguva yavo yekutonga yakwana, vanofanirwa kuenda pamudyandigere. Onai zvimwe

Vhidhiyo Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

Facebook