Friday, March 06, 2015 Local time: 18:00

Nhau / Africa

America Inopa Zimbabwe $60M yeKurwisa HIV/AIDS

Ambassador Bruce WhartonAmbassador Bruce Wharton
x
Ambassador Bruce Wharton
Ambassador Bruce Wharton
Thomas Chiripasi
America yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi matanhatu emadhora iyo ichashandiswa mukurwisa dambudziko re HIV/AIDS muvana vadiki.

Hurumende yeAmerica, kubudikidza nechirongwa chemutungamiri wenyika iyi chekurwisana neHIV/AIDS che President’s Emergency Plan For AIDS Relief, kana PEPFAR, yapa Zimbabwe mari inoita mamiriyoni makumi matanhatu emadhora  ichashandiswa mukurwisana nekutapurirwa kwehutachiwana hunokonzera chirwere cheshuramatongo kubva kumadzimai kuenda kuvana munguva yekusununguka.

Vachitaura pakusvitswa kwemari iyi, iyo ichashandiswa kwemakore mashanu, mumiriri we America muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vati hurumende yavo yakazvipira kubatsirana neZimbabwe mukurwisana nedambudziko reHIV/AIDS.


Ambassador Wharton vati hupenyu hweveruzhinji hwakakosha zvikuru nokudaro vati zvakakosha kuti hurumende dzepasi rose dzichengetedze hutano hwevanhu.

Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vatiwo vafara zvikuru sehurumende neruyamuro rwavapihwa nehurumende ye America.

VaMadzorerera vati zvaitwa neAmerica izvi zvichaita kuti vanhu vasarasikirwe nehupenyu nguva isati yakwana.

Mari yapihwa Zimbabwe neAmerica pasi pechirongwa chiri kudaidzwa kuti Families and Communities for the Elimination of Pediatric HIV in Zimbabwe, inonzi ichashandiswa mukuedza kuri kuitwa nehurumende kuderedza kutapuriranwa kwehutachiwana kubva mumadzimai kuenda kuvana kubva pazvikamu gumi nezvina kubva muzana, kusvika kuzvikamu zviri pasi pezvishanu kubva muzana panosvika gore ra 2015 pamwe nekuwaniswa kwemapiritsi anonwiwa nevanhu vanorarama nehutachiwana kumadzimai akazvitakura.

Zvichakadai, sangano reUNICEF rapa bazi rezvehutano mibhedha yevana vadiki zana ichashandiswa muzvipatara mukuedza kurwisana nekufa kunoita vana panguva yekuzvarwa.

Bazi iri ratambidzawo motokari makumi matatu neina kubva muhomwe ye Health Transition Fund dzichashandiswa mukusimbaradzwa kwenyaya dzezvehutano.

You May Like

VaTsvangirai Vanoti Bato Ravo Ngarinzwisise Mashandiro eMakanzuru

Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kunyange hazvo bato ravo risiri muhurumende zvakakosha kuti rinzwisise matambudziko akatarisana nemakanzuru emumadhorobha nemaguta ari munyika sezvo bato ravo riri iro riri kutungamira makanzuru aya mazhinji. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

America Inowedzera neGore Zvirango Zvakatemerwa Zimbabwe

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama, vanoti hurumende yavo yatora danho iri sezvo Zimbabwe iri kuramba ichimbunyikidza hutongo hwejekerere Onai zvimwe

Concourt Yozeya Kudzingwa Zvachose paCheshire kweVakaremara

Sachigaro ve Cheshire trust, VaClemence Muzondo, vanoti bumbiro remitemo yepa Cheshire rinonyatsotsanangudza kuti nzvimbo iyi haisi yekugara munhu hupenyu hwese, asi kuti awane chete mukana wekuti awane hunyanzvi hwekuzviriritira opawo vamwe mukana. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

Facebook