Accessibility links

Breaking News

America Yopa Zimbabwe $95M Gore Rino yeKurwisa HIV/AIDS


VaBruce Wharton
VaBruce Wharton
America inoti gore rino ichapa Zimbabwe mamiriyoni makumi mapfumbamwe nechidimu emadhora kuitira kuti Zimbabwe ikwanise kurwisana nedambudziko reHIV/AIDS.

Vachitaura pahurongwa hwemibiyaro yeAuxilia Chimusoro Awards, mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vakati mari iyi ichabva pasi pechirongwa chehomwe yemutungamiriri wenyika yavo chePresident’s Emergency Plan for Relief, kana kuti PEPFAR.

VaWharton vanoti mari iyi ichashandiswa kuti vanhu vasarambe vachibatwa nehutachiona hweHIV pamwe nekusimbisa mabasa ehutano muZimbabwe.

Gore rino mubairo weAuxillia Chimusoro wakatorwa nesangano rinoshanda nevechidiki mukurwisana neHIV/AIDS reAfricaid uye sangano iri rakapihwa mubairo wemadhora zviuru zvishanu.

Mukuru wesangano iri, Amai Nicola Willis, vanoti sangano ravo richashandisa mari iyi kutsikisa mumhanzi unopa veruzhinji ruzivo pamusoro peHIV/AIDS.

Gore rino makwikwi aya akapindwa nevanhu nemasangano vakakunda mumakwikwi aya kubva muna 2000 apo akaparurwa.

VaWharton, avo vaive muZimbabwe pakaparurwa chirongwa cheAuxilia Chimusoro Award, vanoti zvinofadzwa chose vakawana makwikwi aya akura chose pavakadzoka.

Muchakabvu Amai Auxillia Chimusoro ndivo vakave mudzaimai wekutanga munyika kubuda pachena kuti vaive neHIV/AIDS muna 1989 uye izvi zvakabatsira chose kuchenjedza vanhu pamusoro pechirwere ichi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG