Accessibility links

Breaking News

Vanoita zveChipfambi Vozeza Kunotora Mapiritsi kuZvipatara


National Aids Council
National Aids Council

Ongororo yakaitwa neCenter for Sexual Health and HIV/AIDS Research inoratidza kuti vanoita mabasa echipfambi vakawanda vave kutya kuenda kunotora mishonga yavo yeHIV/AIDS kana kunorapwa zvimwe zvirwere pamwe nekuwana dzidziso, sezvo vachiti vari kunyombwa kana kushungurudzwa nanamukoti.

Ongororo iyi yakaitwa mushure mekuona vakawanda vevanhu ava vasisaendi kuzvipatara nemakirinika, zvisineyi kuti bazi rezvehutano nemasangano akasiyana siyana ari kukurudzira kuti vanhu vaongororwe hutachiwana pamwe nekuenda kunopihwa mushonga kana vachinge vawanikwa vainahwo.

Vachitaura pamusangano wange wakarongwa neveZimbabwe Lawyers for Human Rights maererano neongororo yavo, vanoona nekufambiswa kwezvirongwa muCESHHAR, Amai Sibongile Mtetwa, vakati vanoita mabasa echipfambi vari kushungurudzwa pamwe nekupomerwa mhosva yekuparadzirwa hutachiwana hweHIV/AIDS.

Vanoti ongororo yavo yakaitwa pasi pechirongwa che“Sisters With a Voice” yakaburitsa pachena kuti vanhu ava ndivo vanonekwa pekupedzisira kana vachinge vaenda kumakirinika.

Vanoti semuenziso mumwe mudzimai akashungurudzika chose mushure mekuudzwa namukoti wepane imwe kirinika yavasina kuda kudoma kuti sei ainge achiita zvivindi zvekuuya kukirinika kuzotora mapiritisi asi iye akazvitsvakira hutachiwanda ega.

Vanotiwo pane zvakawanda zvinoitika muzvipatara nemakirinika zvave kuita kuti vanoita zvechipfambi veregedze kuenda kuzvipatara izvi sezvo vachitya kunonyadziswa pamberi pevamwe varwere.

Amai Mtetwa vanoti kuita kwakadai hakuna kunaka uye sangano ravo richishanda nebazi rezvehutano nemamwe masangano vave kushanda nanamukoti nevamwe vanoshanda muzvipatara kuti vabate vanhu ava pamwe nevarwere zvakanaka.

Vanoti kana izvi zvikaitika vanhu vanosununguka kuenda kunotora mapiritsi avo eHIV/AIDS pamwe nekurapwa zvirwere zvepabonde.

Ongororo iyi yakaratidzawo kuti pane vanhu vanoita zvechipfambi vanodarika zviuru makumi mashanu vakaenda kumakirinika eCESHHAR kubva muna2009 kusvika pari zvino uye zvikamu makumi maviri kubva muzana zvevanu ava zvaive neHIV/AIDS.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti nyika haigoni kukunda muhondo yekurwisana neHIV/AIDS kana ikasapinza vanoita mabasa echipfamibi muzvirongwa zvayo zvekunwa mapiritsi anowedzera hupenyu ema anti-retorivals, kudzivirira chirwere ichi pamwe nekurapwa zvirwere zvepabonde.

Sangano reNational Aids Council rinoti ririkubatsira vanoita mabasa echipfambi kuumba sangano ravo kuti vakwanis kuzeya nyaya dzavo pamwe nekurwira kodzero dzavo.

NAC inoti zvakakosha kuti vanhu ava vapewo pfungwa dzavo maererano nezvinoitika mubasa ravo kuitira kuti vanogadzira mitemo vaumbe mutemo vachiziva zvinoitika mubasa iri.

Mumwe anorarama nemabasa echipfambi akaita hurukuro neStudio 7 Amai Sharo Mazviwa vakati nhamo ndiyo inovasunda kupinda mumabasa aya

Sachigaro wesangano reDoctors for Human Rights Doctor Rutendo Bonde vanoti kodzero dzevanhu ava dzinofanira kukosheswa.

Chirongwa cheSisters With a Voice chinobatsira vanoita mabasa echipfambi nemapiritsi emaARVs, kuvarapa zvirwere zvepabonde, kuvapa dzidziso pamusoro pezvirwere izvi , kuvadzidzisa kodzero dzavo, pamwe nekuvakurudzira kuti vaende kuzvipatara kuti vandoongororwa hutano hwavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG