Accessibility links

Breaking News

VaMhungu Vokurudzira Vari Kunze Kutanga Mabhizinesi Munyika


VaSimba Mhungu
VaSimba Mhungu

Mukuru we kambani yeHarvest Fresh Africa, VaSimba Mhungu, vanoti kunyange hazvo zvinhu zvakawoma munyika, ino ndiyo nguva yekutanga mabhizimisi makuru muZimbabwe.

VaMhungu vakataura mashoko aya kumucheto wemusangano mukuru we Africa Business Conference wakaitirwa pa Harvard University ku Boston, Massachussetts muAmerica.

Musangano uyu, uyo wakapindwa nevanhu vanobva munyika dzemu Africa vakasiyana siyana, wakatanga neChishanu svondo rapera kusvika musi weSvondo.

Mumwe muzvinabhizinesi wekuZimbabwe, Va Jeremy Brooke, avo vave kusiya basa rsemukuru we National Foods, vakapindawo mumusangano uyu.

Musangano uyu waive wekuyedza kukwezva vana muzvinabhizinesi vemu America kuti vatange mabhizinesi muAfrica.

VaMhungu vanoti zvange zvisiri nyore kuti vatange bhizinesi ravo asi kune avo vari kutarisira kuita izvi, vanofanirwa kuyedza nekuti zvirinani kuita mufandayedza pane kupfuurwa nemukana wekutanga mabhizinesi.

Vazhinji vanonzi vave kuita mabasa ekutenga nekutengesa izvo zvinokudzwa asi VaMhungu vanoti zvakakosha kuti vanoda kuita mabhizinesi vayedzewo kutsvaga mamwe mabhizinesi anenge achitengeswa panguva iyo zvino zvakawoma vachimirira kuti vawane mubhadharo panguva apo zvinhu zvichanaka.

VaBrooke vakaudza musangano uyu kuti zvinhu zviri kutarisirwa kunaka muZimbabwe munguva inotevera asi semutauro wevakuru wekuti shiri inomukira ndiyo inowana makonye akakura, vari kutanga pinda mabhizinesi nguva ino ndivo vachawana pundutso.

VaMhungu vanoti shuviro yavo ndeyekuti vechidiki vashandise fundo yavari kuwana mhiri kwemakungwa kuitira kuti vazobatsire nyika dzavanobva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG