Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vanoti Vanodawo Kusimudzira Hupfumi hweZimbabwe


Vendors captured Wednesday after they were evicted from the Harare central business district.
Vendors captured Wednesday after they were evicted from the Harare central business district.

Vanoita zvekutengesa zvinhu munzira vanoti chishuwo chavo ndechekubatsira nyika kuitira kuti ibude mumadhaka mairi kunyange hazvo ivo vari parumhananzombe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti vanhu vanosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vari kuraramna nekutengesa zvakasiya siyana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mazuva ekare, vanhukadzi ndivo vaive vakawandisa mubasa iri, vanhurume vari vashoma shoma uyezve vari vaibva kuMozambique avo vakadzokera kunyika kwavo.

Asi ikozvino zvinhu zvasanduka sezvo vanhurume vawandawo zvekare vachitengesawo muriwo nematomati nezvimwe zvakadaro.

Vakawanda vavo vane nhoroondo dzakasiyana dzakapa kuti vaite basa rekutenga nekutengesa zvinhu.

Vashoma vavo ndivo vasina gwaro re ‘O’ Level asi vakawanda vacho ndeavo vakasvika ‘A’ Level vamwe vacho vaine madegree kana madiploma kubva kuzvikoro zvepamusoro soro.

Va Munyaradzi Muchena ndemumwe wevanotengesa pana Chinhoyi Street naKwame Khurumah mushure mekubviswa paTown House mukutanga kwemwedzi wapera.

Mumwe anorarama nekutengesa, Muzvare Rhoda Machingauta, avo vane makore ekuberekwa makumi matatu nematatu, vanoti kutengesa munzira kwavabatsira zvikuru muhupenyu hwavo.

Munyori mukuru weNational Education Union of Zimbabwe, VaMathisa Guchutu, vanoti hurumende yeZimbabwe ine mhanza yakanaka nekuti vanhu vakasarudza kuita zvekutengesa pane kuita zvemhirizhonga munyika.

Vanotengesa vacho vanoti kamari kashona kavari kuwana nekutengesa zvinhu kari kukwanisa kuisa chekudya patafura kana kukwanisa kuendesa vana kuzvikoro zvekanzuru izvo zvine muripo wakati derereyi.

VaZebediah Daka, avo vane makore makumi maviri nemasere ekuberekwa, vanoti vari kuwana mari yakawanda pamwedzi wega kudarika vakawanda vari kuenda kumabasa avo vari kutambira mari inoita iyo mazana matatu nemakumi masere emadhora pamwedzi.

Asi chavari kushuwira ndechekuti kutengesa munzira kusimukire zvekuti vakwanisewo kubatsira hurumende yavo kubva mumadhaka ezvehupfumi hwairi pari zvino.

VaMuchena vanoti vangade havo kubvisa mutero kuhurumende pane kupa vekanzuru avo vari kuvaripisa mazimari mazhinji asina chaari kushanda.

Vanoti hurumende inofanira kupa vanotengesa marezinesi kuti vakwanise kutora mutero wavo pamhunhu wega wega.

Vekanzuru vari kubhadharisa munhu wega wega dhora rimwe nemasenzi makumi mashanu pazuva rega rega kuti vatengese zvinhu zvavo.

Va Tinotenda Mukungate, avo vanoshandira paCopacabana, vanoti vekanzuru havasi kushandisa mari iyi kuitira kuti vanotengesa vashandire pakachena.

VaGuchutu vanoti hurumende inofanira kuita ongororo yakadzama yezvekutengeswa kwezvinhu munzira.

Vanoti vanotungamira nyika ava vanofanira kugara pasi nevanotengesa ava voona kuti chii chingaitwe kuti vawanewo mari kubva kuvanhu ava pane kuvamhanyisa mazuva ese.

VaGuchutu vanoti Zimbabwe inofanira kudzidza kubva kunyika dzakaita seChina idzo dzavaka hupfumi hwakasimba kubva muvanhu vanoita zvekutengesa.

Asi vanotengesa vacho vanoti izvi hazvikwanisike kuitika vachitarisa ivo nzvimbo dziri kure neveruzhinji dzavakaiswa kuti vaitire basa ravo.

XS
SM
MD
LG