Accessibility links

Breaking News

Bhiri reMutemo weRunyararo Rokuridzirwa Kusimbisa Kuripisa Vanokanganisira Vamwe


Zimbabwean villagers in one of the peace club meetings. (Photo: Courtesy of Heal Zimbabwe Trust)
Zimbabwean villagers in one of the peace club meetings. (Photo: Courtesy of Heal Zimbabwe Trust)

Vanhu ava vanotiwo vanoda kuti bhiri remutemo wekomisheni yerunyararo, kuregererana pamwe nekupodzwa kwemarwadzo, reNational Peace and Reconciliation Bill, ribude pachena kuti izvi ndizvo zvichaitwa.

Vanhu vazhinji vakavhiringirwa hupoenyu hwavo nemhirizhonga yezvematongerwo enyika vanoti vanoda kuripwa kurohwa, kubhinywa, kushungurudzwa pamwe nekurasikirwa kwavakaitwa nepfuma yavo.

Vanhu ava vanotiwo vanoda kuti bhiri remutemo wekomisheni yerunyararo, kuregererana pamwe nekupodzwa kwemarwadzo, reNational Peace and Reconciliation Bill, ribude pachena kuti izvi ndizvo zvichaitwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachipa pfungwa dzavo pamusoro pebhiri iri pamusangano wange wakarongwa nesangano reHeal Zimbabwe Trust muHarare neChipiri, vazhinji vevanhu ava kubva kumativi mana enyika vanoti vanotambira chose bhiri asi vanoti harina kujeka panyaya dzemuripo unofanira kupihwa kuvanhu vakatadzirwa.

Amai Thembiso Govo vekuKadoma avo vakarorwa vakabatwa chibharo musarudzo mbiri dzapfuura vanoti vanoda muripo kuti vakwanise kukanganwa zvakaitika.

Amai Govo vaudza Studio7 kuti zvichitevera kubhinywa kwavakaitwa vakabatwa hutachiwana hweHIV AIDS uye havasisina anovada nekudaro kunze kwekuripwa vanodawo rubatsiro rwekuita mabasa emaoko kuti vakwanise kurarama hupenyu hurinani.

VaFred Matonhodze vekuMuzarambani, avo vakaparadzirwa musha wavo, zvipfuwo zvavo pamwe nekupisirwa tirakita yavo, vatiwo hapana kugarisana kana mufaro munyika nekuda kwekuti vanhu vakaponda vanhu kana vakatora zvipfuyo zvevanhu havana zvavakaitwa.

Vanotiwo veruzhinji vakashurungurdzwa vari kuchema uye vanogona kunyaradzwa chete nekuripwa pamwe nekuona vanhu vaishungurudzwa vachikandwa mujeri.

VaAction Zivoni vanobva kuWard 5 kuBuhera avo vakadzingwa basa, vakatorerwa zvipfuyo zvavo mumhirizhonga yezvematongerwo enyika, vanoti havasi kufara nekuti bhiri iri haribudi pachena panyaya dzekuripa vanhu vakatadzirwa.

Vatiwo kunyange hazvo komisheni yezverunyararo pamwe nekuyananisana ichinzi inenge yakazvimirira, bhiri iri rinopa masimba akanyanya kumutungamiri wenyika pamwe nehurumende kuti dzipindire mumashandiro ayo.

Vati mutungamiriri wenyika pamwe nemakurukota ehurumende ndevamwe vevanhu vane chekuita nemhirizhinga yezvamatongerwo enyika yaitika munyika nekudaro vanogona kurerekera divi rimwe vakatadzisa komihseni iyi kushanda zvakanaka.

Vatiwo nyaya yemuripo yakakosha chose uye marwadzo avo haagoni kupera kana vasati varipwa.

Vanhu ava vatiwo komisheni iyi kana ichinge yaumbwa inofanira kuve nemahofisi kumatunhu ese munyika uye vanhu vanofanira kupihwa mukana wekutaura zvichemo zvavo zvese pasina kutyityidzirana.

Vatiwo mapurisa nemakurukota ehurumende ndevamwe vevanhu vaikonzera mhirizhonga uye vanovimba kuti komisheni iyi ichaita basa ravo zvakajeka zvinoita kuti vanhu vakwanise kugarisana munyika.

Bhiri iri haritaure nezvemuripo sezvo richiti dzimwe nyaya dzichapererakumatare edzimhosva.

Mukuru weHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya, vanoti zviri pachena kuti vanhu havana chivimbo nehurumende uye sangano ravo richaendesa zvichemo zvevanhu kuparamende kuti izvizeye isati yapasisa bhiri iri kuti rive mutemo.

Paramende, iyo iri pazororo, inotarisirwa kupindawo muvanhu mwedzi unouyakuti inzwe pfungwa dzavo isati yazeya bhiri iri.

Kana rikange rapasa muparamende ndipo panobva paumbwa komisheni iyi.

Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadoma nhengo dzekomisheni iyi uye Bishop Ambrose Moyo ndivo vachange vari sachigaro wekomisheni iyi.

XS
SM
MD
LG