Accessibility links

Breaking News

Vagari Vobatsirana neKanzuru yeHarare Kuita Mabasa Anobatsira Veruzhinji


A representative of the commuter omnibus operators, Shem Mberi, said they would co-operate with council in its endeavors to decongest the city. (Photo: Harare Residents Trust)
A representative of the commuter omnibus operators, Shem Mberi, said they would co-operate with council in its endeavors to decongest the city. (Photo: Harare Residents Trust)

Kunyange masangano anomirira vagari vemuguta reHarare achigara achinetsana nekanuzuru sezvo iri kutadza kuita mabasa ayo, vagari vemumusha weSunningadale vanoti vakaona kuti kugara vachichema chema hazvibatsiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagari ava vanoti vava kushanda pamwe nekanzuru mukuita mabasa akasiyana siyana akaita sekutakura marara pamwe nekubatsirawo munzvimbo dzekutandarira pamwe nemakariniki.

Vachitaura apo meya veguta, VaBen Manyenyeni, vashanyira mabasa ari kuitwa nekanzuru mumusha uyu ichishanda pamwe nevagari venzvimbo iyi, vagari ava vati vakaona kuti kugaro chema hazvibatsire ndosaka vakabvuma kushanda pamwe chete nekanzuru.

Kanzura wenzvimbo iyi, inove muWard 10, VaHami Madzingira, vati vakatanga kunyorera kudzisvondo munzvimbo iyi vachikumbira kuti vanhu vauye kuzonshanda nekanzuru uye vanoti shoko ravo rakatambirwa zvakanaka.

Vanoti kubvira ipapo vagari venzvimbo iyi vave kubatsira mukuchenesanzvimbo, pamwe nekubatsira pakiriki iyi sezvo pasina vakoti vakakwana.

VaMadzingira vaudza Studio7 pane dzimwe nguva vagari venzvimbo iyi vari kubvisa mari yavo mukubatsira zvirongwa zvebudiriro munzvimbo iyi vakati semuenzaniso pane vagari vakawanda vari kushanda pachena pakuvanduzwa kwekiriniki iri munzvimbo iyi.

Studio 7 yawona vagari vachibatsira mabhiridha pakiriniki yemuSunngidale.

Vamwewo vagari vakaita saVaCortri Nicole vanoti vave kushanda pachena pasina mubhadharo pakagudzirisa nzvimbo yekutandarira yeSunningdale Sunset Reacreational Park.

Vanoti ivo nevamwe vavo vakatora danho rekushanda pachena nechinangwa chekuti musha wavo ugare wakachena.

VaManyenyeni vatenda vagari nebasa rakanaka ravari kuita vachiti izvi zvinobatsira kanzuru chose sezvo iri kutambudzika nekushaya mari.

Mamwe mabasa ari kuitwa nevagari ava vachibatsirana nekanzuru, kugadzira migwagwa, kuchera zvibhorani, kudyara miti pamwe nekugadziridza kana kuvaka zvikoro.

Vagari vemunzvimbo iyi vachishanda nekanzuru vari kuvaka dzimba dzekudzidzira ina pachikoro cheSunningdale 2 Primary vachishandisa mari inodarika zviuru makumi masere zvemadhora.

Kanzura Madzingirai vanoti kubatsira kanzuru mabasa kunoita kuti zvichemo zvevagari zvinzikwe kana vachinge vaine zvavanoda.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vaudza Studio7 kuti nhengo dzavo kuSunningdale dziri kushanda zvakanaka chose nekanzuru uye vati hukama hwakadai hwakanaka chose mubudiriro yenzvimbo iyi.

Mune imweo nyaya kanzuru yeHarare yatora danho rakakosha munyaya yekugadzirisa matambudziko evanotengesa mumigwagwa sezvo yaumba komiti yekanzuru ichange yave kutarisa nyaya yevanhu ava zuva nezuva.

Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti aka ndekekutanga kuti kanzuru iite izvi sezvo yange ine makomiti aitarisa zvedzimba, hutano, zvemabasa nezvimwe chete.

Komiti iyi yatanga kuita musangano wayo wekutanga neChitatu.

Izvi zvinotevera kutadza kubvisa vanhu ava muguta sezvainge zvarongwa nekanzuru mwedzi mishomanana yapfuura.

XS
SM
MD
LG