Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoronga Kupwanya Dzimba Dzakavakwa Zvisiri Pamutemo Kunogara Vashoma


Kanzuru yeHarare iri kukurudzira vagari ve vemudzimba dzekunogara vashoma vakavaka dzimba dzavo zvisina mvumo yekanzuru kuti vanofanira kugadzirisa ma plans ezvivakwa zvavo zvisati zvaputswa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mukanzuru yeHarare, Va Michael Chideme, vanoti vanoda kugadzirisa ma plans avo vanofanirwa kuita izvi dzimba dzavo dzisati .

Vati vanhu ava vanofanirwa kushanyira mahifisi e district council mumatunhu avanogara kuitira kuti vagadzirise zvinhu nechimbichimbi.

VaChideme vanoti vanhu vazhinji vanga vachivhunza kuti vangagadzirisa seyi ma plans ezvivakwa zvakavakwa pasina mvumo yekanzura kubva kune veruzhinji izvo zvinoratidza kuti vanhu havasi kuda kupwanyirwa zvivakwa zvavo.

Kanzuru munguva yapfuura yange ichipwanya dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo kunzvimbo dzinogara veruzhinji.

"Tiri kukurudzira veruzhinji kuti vauye vagadzirise ma plans avo kuti vavake zviri pamutemo nekuti hatidi kuzowona dzimwe dzimba dzichidonhera vagari sezvo dzinenge dzisina kuvakwa zviri pamutemo," VaChideme vaudza Studio7.

Hurumende yakamboita chirongwa che "Operation Murambatsvina" chekuputsa dzimba dzakange dzakavakwa zvisiri pamutemo icho chasiya vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe vasina pekugara.

Hurukuro NaVa Michael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG