Accessibility links

Breaking News

Vakaberekwa Nyika Yawana Kuzvitonga Voshaya Chekupemberera Kuzvitonga


Apo nyika iri kupemberera neMugovera kusvitsa kwayo makore makumi matatu nemashanu ekuzvitonga, vamwe vakaberekwa nyika yakawana kuzvitonga vanoti havana nguva yekucherechedza zuva iri.

Vanoti havaone chekupemberera nekuda kwematambudziko avakatarisana nawo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvare Esnath Ruzara vakazvarwa mugore ra1981 nyika yasvitsa gore rimwe chete yave nekuzvitonga.

Sevamwe vanhu vakazvarwa panguva iyi - avo vanowanzodeedzwa nezita reChirungu vachinzi ma"born-free" Muzvare Ruzara vanoti pavaikura kumusha kwavo kumaruwa ekuShurugwi, vanoyeuka kuchiitwa mhemberero dzezuva reIndependence dzainakidza zvikuru, ivo nevamwe vanhu vemunzvimbo yavo vachidya nekumwa vachicherechedza zuva iri.

Muzvare Ruzara, avo vanorarama nekutenga nekutengesa zvinhu paFlea Market iri paMkoba 6 Shopping Centre muguta reGweru, vanoti nekuda kwekuti vave kuzvishandira pachavo vega, havachawani mukana wekucherechedza zuva reIndependence sezvavaichimboita mumakore apfuura.

Mumwe mudzimai, Amai Judith Ndlovu, vakaberekwa mugore remasimba evanhu, 1980, mwedzi miviri nyika ichangowana kuzvitonga.

SaMuzvare Ruzara, Amai Ndlovu vanotengesawo paFlea Market yepaMkoba 6.

Amai Ndlovu vanotiwo vanorangarira kucherechedzwa kwaiitwa zuva rekuzvitonga mumakore apfuura vachitizve kunyange vachikoshesa zuva iri, asi nekuda kwekuti vanoraramawo nekutenga nekutengesa zvinhu, havana mukana wekucherechedza zuva iri vakazorora.

Amai Ndlovu vanoti veruzhinji pamwe nevakuru vakuru venyika vanofanirwa kushandisa zuva iri kuti vafunge pamusoro pezvingaitwe kuti nyika ibude mumatambudziko ayakatarisana nawo.

Vanochema-chemawo kuti dai hurumende yaona zvaingaite kuti ibatsire vanhu vanorarama nekutenga nekutengesa vakaita saivo sezvo hupenyu huru kuvaomera.

Muzvare Vimbai Chadya ndemumwewo weavo vakazvarwa nyika yawana kuzvitonga.

Muzvare Chadya, avo vakazvarwa mugore ra1982, vanorwira kodzero dzemadzimai, uye vanoti nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvehupfumi munyika, hazvishamise kuti vanhu vakazvarwa murusununguko, kunyanya vanhukadzi, havachawane nguva yekucherechedza zuva iri, sezvo vanenge vari mushishi rekuedza kuriritira mhuri dzavo.

Mumwe mugari wemuGweru, VaAlbert Mlambo, vakazvarwa mugore ra1982. Mushure mekupedza zvidzidzo zvavo zveForm 4, VaMlambo vakaenda kunodzidzira kosi yeRefrigeration Mechanics paHarare Polytechnic ndokubva vazoshanda mumakambani akasiyana-siyana kusvika mugore ra2005 apo pavakazosiya basa mushure mekunge kambani yavaishandira yavharwa.

Pari zvino, VaMlambo, avo vari kugara naamai nababa vavo muguta reGweru, vanoti vanorarama nekuita mabhindauko akasiyana-siyana, kusanganisira kuchera vachitengesa goridhe, kana kuti kukorokoza.

VaMlambo vanoti havana chekufarira pazuva reIndepndence nekuti hupenyu hwavo hausi pavanofungidzira kuti hungadai huri.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaBrian Dube, vakazvarwa muna Chikumi 1980. VaDube igweta uye ndivo mutauriri weboka revechidiki veMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaDube vanotsinhirawo kuti vachidiki havana chikonzero chekuti vapemberere pazuva iri sezvo vakatarisana nematambudziko akasiyana-siyana, anosanganisira kumbunyikidzwa kwekodzero dzavo mune zvematongerwo enyika.

VaDube vanoti vanopokana nemaonero ekuti vechidiki vemuZimbabwe vane humbwende hwekutungamira mune zvematongerwo enyika kuti vagadzirise matambudziko akatarisana nenyika. VaDube vanoti vechidiki vanhu vanoda nyika yavo uye vane pfungwa dzakanaka dzinogona kuvaka nyika kuti ive neramangwana rakanaka.

Asi VaDube vanoti vanoshaiswa mukana wekuita izvi nekuda kwevatungamiri vane humbimbindoga.

Panyaya yevechidiki vanonzi vanoshandiswa mukuita zvemhirizhonga mune zvematongerwo enyika, VaDube vanoti vechidiki vanoita izvi vanoshandiswa nekuda kwekuti vari munzara vachitizve vanhu vanofanirwa kushorwa zvikuru panyaya iyi ndevamwe vakuru vakuru vezvematongerwo enyika vanoshandisa vechidiki ava.

Mumwe akaberekwa pfuti dzehondo dzanyaradzwa, ndiVaDydmus Dewa.

Vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, VaDewa, avo vanodzidzisa zvidzidzo zvebudiriro, runyararo nekugadzirisa makakatanwa pa Zimbabwe Open University, vanoti vanhu vanofanirwa kutenda kuti vechidiki vemuZimbabwe vari kuramba vakazvibata zvisinei kuti vane kutsutsumwa kukuru pamusoro pematambudziko avakatarisana navo.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Miners Federation vachiona nezvekusimudzirwa kwevanoita mabasa ezvicherwa, VaDosman Mangisi, avo vanovewo mutsigiri webato reZanu PF, vanoti vechidiki havafanirwe kungopeta maoko vachichema kuti vanoshaiswa mikana yekuzvisimudzira vasina zvavari kuita kuti vawane mikana iyi.

Vakuru vanoti matakadyakare haanyaradze mwana. Ichi ichokwadi. Kusvikira matambudziko akatarisana nenyika agadziriswa, vanhu vave kuwana mabasa pamwe nemimwe mikana inoita kuti vakwanise kuzviriritira ivo nemhuri dzavo, vakawanda vakazvarwa nyika yawana kuzvitonga vacharamba vasingaone kukosha kwekuzvitonga, sezvo kusina kwazvinoreva muhupenyu hwavo kana vasina mabasa nerunyararo munyika.

XS
SM
MD
LG