Accessibility links

Breaking News

Vagari Voratidzira muGweru


Gweru Sign POst
Gweru Sign POst

Vamwe vagari vemuGweru varatidzira vachitsutsumwa nenyaya yekuti kanzuru haina hany'a nekutambura kuri kuita vagari vakawanda muguta iri.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagari ava, avo vange vachipfuura makumi mana, varatidzira mangwanani vachifamba vachiimba vakabata zvinyorwa zvange zvakanyorwa zvakasiyan-siyana, kubva paAscot Club House mumusha weAsctot, vakapfuura nemumusha weMambo, ndokuzosvika pamahofisi ekanzuru ari mumusha weMutapa apo vazoungana.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vagari muguta iri, reGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, vanoti vagari havazi kufara nepamusoro pedanho rakatorwa nekanzuru rekuendesa vagari vane zvikwereti kumagweta.

Vanotiwo vagari havasi kutsigira hurongwa hwekanzuru hwekukwidza mitero inobhadharwa nevagari gore rino.

VaSelipiwe vanoti zvinhu zvinoshamisa kuti kanzuru iri kuda kukwidza mitero ivo vanhu vachinetseka kubhadhara mitero iripo pari zvino.

Mumwe mugari uyo angoda kuzvidoma nezita rekuti Amai Privilege, vatsinhirawo izvi vachiti kanzuru inofanirwa kunzwisisa kuti kutadza kubhadhara mitero kuri kuita vagari kuri kukonzerwa nekuoma kwakaita zvinhu munyika.

Mumwewo mugari, Amai Don'tcare Nhukarume, vanoti nyaya yekuvharira vagari vane zvikwereti mvura inogona kukonzera kuvepo kwezvirwere zvakaita sekorera

Kuratidzira kwaita vagari ndekwechipiri mumwedzi uno mushure
mekuratidzira kwakaita vamwe vagari mumusha weMkoba masvondo maviri
apfuura.

Vagari ava vaichema-chema nenyaya imwe cheteyo yekuti kanzuru haifanirwe kusungisa vagari vane zvikwereti.

VaSelipiwe vanoti vagari vakazvipira kuti vataurirane nekanzuru vaonesane kuti vanga bhadhara sei zvikwereti zvaivazvo. Asi vanoti vekanzuru vari kuratidza kusanzwisisa panyaya iyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna meya weGweru, VaHamutendi Kombayi.

Pakaratidzira vamwe vagari masvondo maviri apfuura, VaKombayi vakavimbisa kuti kanzuru yaizoita musangano wekuti itore chisungo
chekuti vagari vane zvikwereti vanofanirwa kupiwa mukana wekutaurirana nekanzuru kuti vobhadhara zvikwereti zvavo sei, kwete kuvasungisa.

Nekuda kwekuoma kuri kuramba kuchiita zvehupfumi munyika, makanzuru emumaguta nemumadhorobha akasiyana-siyana munyika ari kutosvorana nevagari panyaya dzekubhadhara mitero sezvo vagari vakawanda vari kunetsekana pakubhadhara mitero iyi.

Asi imwe nyanzi munyaya dzehupfumi, uye vachishanda ne Zimbabwe Open University, VaDidymus Dewa, vachitaura vakazvimirira, vanoti kanzuru nevagari vanofanirwa kunzwisisana voronga nzira inoita kuti vagarisane zvinoenderana nehupfumi huripo kuitirawo kuti kanzuru isaremerwa nemabasa ayo, ukuwo vagari vachibvisawo pashoma pavainapo.

Matambudziko akatarisana neguta reGweru nevagari varo, matambudziko ari kuitikawo mumaguta nemumadhorobha ose ari munyika sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari munyika yose.

XS
SM
MD
LG