Accessibility links

Breaking News

Mhosva Yaipomerwa VaMachingauta Inoraswa neDare reMhosva muGweru


City of Gweru
City of Gweru

Mumwe mutongi wedare muGweru akarasa mhosva yange yakatarisana na VaCosta Machingauta vanove mumiriri weBudiriro mudare reparamende uye variwo mutevedzeri wemutungamiri weboka revechidiki veMDC-T.

Mutongi wedare, VaMorgan Nemadire, neMuvhuro vakarasa mhosva yekupamba pamwe nekubata chibharo yange yakatarisana naVaMachingauta mushure mekunge gweta ravo, VaBrian Dube, vakumbira dare kuti rirase nyaya iyi sezvo vaiti paive pasina humboo hwekuti VaMachingauta vaive vapara mhosva yavaive vachipomerwa.

VaMachingauta, avo vange vachitongwa vachibva kumba mushure mekubhadhara mari yechibatiso, vakasungwa muGweru pakupera kwaChivabvu mushure mekunge mumwe mudzidzi wepaMidlands State University, Muzvare Isheunopa Makota, avamhang'a rira kuti vaive vamupamba vakamubata chibharo kaviri pane imwe hotera iri muguta reGweru.

Asi VaDube vakaudza Studio7 kuti paitongwa nyaya iyi mudare zvakabuda pachena kuti humbowo hwaMuzvare Makota, pamwe nemufakazi wavo,
VaAlbert Chibuwe, hwaive husingaratidze kuti VaMachingauta vakapara mhosva yavaipomerwa.

VaDube vakati muchuchisi wedare haana kupikisana nechikumbiro chavo chekuti nyaya iyi iraswe vakatiwo izvi hazvina kuvashamisa, vachitsinhira kuti zvaive pachena kuti VaMachingauta vaive vasina kupara mhosva.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMachingauta panyaya iyi.

Asi VaDube vati VaMachingauta vari kufara chaizvo nekuraswa kwakaitwa nyaya yavange vakatarisana nayo, vachiti nyaya iyi yange yave kuvakanganisa kuenderera mberi nehupenyu hwavo, kunyanya mune zvematongerwo enyika.

Mune imwewo nyaya, dare remuGweru nemusi weChishanu rakatora danho rekumbomisa basa kwemwedzi mitatu mumwe mutongi wedare iri, Muzvare
Gertrude Mayonyose, vachipomerwa mhosva yekutadza kuita basa nemazvo

Vanoziva nezviri kuitika vanoti danho rekumbomisa Muzvare Mayonyose basa riri kuitwa pachiongororwa nyaya yekuti pakutanga kwegore rino mutongi uyu, akapa mutongo usiri iwo kune mumwe murume aive awanikwa aine mhosva yekuba mombe.

Panyaya iyi Muzvare Mayonyose vakapa mutongo wekuti murume uyu abvise faindi yemazana mana emadhora. Asi dare repamusoro rakazopidigura
mutongo uyu richiti murume uyu aifanirwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe sezvakafanira pamhosva yakadaro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna Muzvare Mayonyese panyaya iyi.

Mukuru mukuru wevatongi vematare mudunhu reMidlands, Amai Phathekile Msipa, vabvuma nezvekumiswa basa kwaMuzvare Mayonyese, asi vati hapana zvakawanda zvavanokwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG