WASHINGTON —
Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kusangana nehutungamiri hwebato ravo hwedunhu reHararare neMugovera pamusangano unonzi uchakurukura nezvematambudziko akatarisana nenyika pane ino nguva.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti nyaya hombe dzichazeyiwa dzinosanganisira kushaikwa kwemabasa, kuvharwa kwemakambani pamwe negwara richateverwa nebato ravo kana kuti roadmap gore rino.
VaGutu vanoti bato ravo riri kushushikana zvikuru nekukundikana kuri kuita bato reZanu PF rinove riri kutonga kuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo kwemakore akawanda.
VaGutu vanoti kusavandudzwa kwemitemo yesarudzo kuchaita kuti bato ravo rimire kupinda musarudzo kusvika izvi zvagadziriswa.