Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Votanga Rwendo rweMatongerwo eNyika neGumbo Risiri Iro?


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematoingerwo enyika dzinoti mamwe mashoko akataurwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, neChina vachiparura hurongwa hwavo hwekuenda kumatunhu ose vachitaura nemadzimai mubato ravo, anoratidza kuti vane chikwata chavari kutsigira.

Nyanzvi idzi dzinoti izvi zvinogona kuita kuti Amai Mugabe vashaye chiremera kune vamwe mubato iri kana vakaratidza kuti vari kutora mativi pamakakatanwa aripo.

Amai Mugabe vakasarudzwa neWomens League yeZanu PF kuti vatore chigaro chekuva munyori webazi remadzimai iri, uye vamirira kutambirwa nekongiresi yebato ichaitwa muna Zvita.

Vachitaura pamusangano wakaitirwa muChinhoyi kuMashonaland West, Amai Mugabe vakaratidzawo pachena kuti muZanu PF mune kunetsana kunotyisa nekuda kurwira chigaro chaVaMugabe.

Vakati VaMugabe vari kunetsekana zvikuru nenyaya yekunetsana nekukandirana makobvu nematete kuri kuitika mubato ravo.

Amai Mugabe vakatiwo pane vamwe vakapfeka matehwe ehwayi vari zvikara zvinoda kubvisa VaMugabe pachigaro.

Zvinonzi pane kunetsana kwakanyanya pakati pevanonzi vari kutsigira mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joyce Mujuru, uye gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira.

Asi kunetsana kwakanyanya pari zvino sezvo mwedzi unouya kuine sarudzo dzakakosha dzeCentral Committee kuchizoti kongiresi muna Zvita.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paMulungushi University, ku Zambia, VaShakespear Hamauswa, vanoti kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika kwaitwa naAmai Mugabe kwakanangana nekusimbaradza mhuri yekwaMugabe kana VaMugabe vacho vasisipo.

Hurukuro naVaShakespear Hamauswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG