Friday, October 24, 2014 Local time: 23:06

Nhau / Africa

Imwe Hurumende yeMubatanidzwa muZimbabwe?

x
Irwin Chifera
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti gakava riri muhurumende yemubatanidzwa riri kutadzisa kuvandudzwa kwezvinhu zvakawanda sarudzo dzisati dzaitwa.

Masangano aya anotiwo izvi zvikarambo zvakadaro, munyika muchatadza kuitwa sarudzo dzakachena, izvo zvinozokonzera kuti paumbwe zvakare imwe hurumende yemubatanidzwa.

Izvi zvabuda mugwaro raparurwa neChina nemasangano anoti Federation for Human Rights (FIDH), World Organisation Against Torture, neZimbabwe Human Rights Association, kana kuti ZimRights.

Gwaro iri, iro rinonzi, “Zimbabwe: Ongoing Risks for Human Rights Defenders in the Context of Political Deadlock and Pre-electoral Period,”  rinoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuenderera mberi uye hapana tarisiro yekuti izvi zvinogona kupera sarudzo dzisati dzaitwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pamwe negurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, havasi kuwirirana pamafambisirwo ezvinhu muhurumende.

Ukuwo VaMugabe vari kuramba kuvandudza zvinhu zvakatarwa kuti zvivandudzwe nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Vaimbove mutongi wematare epamusoro kuSwaziland neBotswana, VaThomas Masuku, ndemumwe wevatatu vakanyora gwaro iri.

VaMasuku vanoti kana pakasave nehwaro hunoita kuti munyika muve nesarudzo dzakachena, pachaita zvakare imwe hurumende yemubatanidzwa.

VaMasuku vatiwo gwaro rebumbiro idzva reCOPAC rakanaka chose. Asi vati havasi kufara nemaitiro emamwe mapazi ehurumende zvikuru sei ezvechiuto, mapurisa nevasori awo vavati havakoshesi kodzero dzeveruzhinji nevanorwira kodzero dzevanhu.

Vatiwo hurumende iri kuomesa musoro nekuramba kuteedza zvisungo zvekodzero dzevanhu zvayakasaina zvakaita seAfrican Charter on Human and People’s Rights neCovenant on Civil and Political Rights.

Zimbabwe iri kurambawo kushandura kana kubvisa mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act nePublic Order and Security Act iyo inotadzisa vanhu kuve nekodzero dzavo dzose.

Mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, vati gwaro raparurwa iri rakanaka chose uye vacharishandisa sehumbowo apo vachange vari kutaura nezvedambudziko remuZimbabwe kune vamwe vavo nehurumende dzemuSouthern African Development Community.

Vamwe vevakanyora gwaro iri, ndiVaArnold Tsunga, gweta uye mutevedzeri wemutungamiri we FIDH, zvakare vari mukuru we Africa Regional Programme of the International Jurists naAmai Berita Kopolo vanove nhengo yeCentre for Human Rights kuPretoria University kuSouth Africa.

Zvichakadai, mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vazivisa kuti kutanga gore rino, sangano ravo richange rave kupa mubayiro gore rega rega kune avo vanorwira kodzero dzevanhu kubva mumatunhu ese munyika.

VaMachisa vati vanhu ava vachatambidzwa mubairo yavo pamhemberero dzekucherechedza zuva rekodzero dzevanhu pasi rose, reInternational Human Rights Day.

VaLewanika vatiwo zviri kuitwa neZimRights izvi zvichasimudzira kodzero dzevanhu munyika.

You May Like

Nziyo Dzovaraidza Vamwe Munguva yeNhamo muRedcliff

Vamwe vaimbi vechidiki vanogara mumusha weTorwood mudhorobha reRedcliff vave kuita mukurumbira nekuda kwekuimba nezvematambudziko akatarisana nevagari vemunzvimbo iyi nenyaya yekusashanda kwekambani yeNewZimsteel iyo yaimboziikanwa ichinzi Zisco. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Amai Mugabe Votsigira VaMnangagwa Vachishora Amai Mujuru

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vabuda pachena neChina kuti vari kutsigira chikwata chiri kutangamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa. Onai zvimwe

Crisis in Zimbabwe Coalition Yozeya Matambudziko Ayo

Sangano reCrisis in Zimbabawe Coalition raita musangano unonzi wanga wakakosha zvikuru wekuzeya matambudziko anonzi ari kukanganisa kufamba zvakanaka kwesangano iri Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3


  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook