Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yozeya Ruremekedzo Rwaingape VaShamuyarira


Nathan Shamuyarira
Nathan Shamuyarira
Bato reZanu-PF rinoti richiri kuzeya nezverufu rwevaimbova gurukota muhurumende yeZanu-PF uye vaimbova mutauriri webato iri, VaNathan Shamuyarira, avo vakashaya kuchipatara cheWest End Clinic neChitatu mushure mekurwara kwenguva yakareba.

VaShamuyarira vakaberekwa mugore ra1929 vari mwana wemufundisi weMethodist Church. Vakadzidzisa kwenguva yakareba kuDomboshawa, ndokuzobuda munyika vachinodzidzisa ku Tanzania. Vakambovawo mutori wenhau kubepanhau reAfrican Newspapers Ltd Zimbabwe isati yawana kuzvitonga.

Muna 1962 VaShamuyarira vakanyengetedzwa kuti vapinde munyaya dzezvematongerwo enyika mubato reZapu namuchakabvu Dr Samuel Parirenyatwa.

Zapu yakabanwa muna 1962 zvakapa kuti imba yaVaShamuyarira isechwe nemapurisa.

Asi mugore rimwero, kunyange vainge vasina chigaro muZapu, VaShamuyarira vakaperekedza mutungamiri weZapu, VaJoshua Nkomo, kuNew York kwavaiendesa tsamba yenyunyuto kusangano renyika dzepasi rose re United Nations.

Nekusava nechuvimbo nehutungamiri waVaNkomo, VaShamuyarira vakazoenda kubato reZanu rakaumbwa nevaisada VaNkomo ava. Muna 1968 vakaitwa munyori weZanu anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Asi muna 1971 mushure mehurukuro namushakabvu VaJames Chikerama, vakaumba bato reFLORIZI. Bato iri rainge richiti rinoda kubatanidza vanhu vanotaura Shonaland nevanotaura Ndebele.

Asi rakashorwa zvakanyanya neZanu neZapu richinzi raiva nerusarura rudzi.

Asi mushure memakore maviri chete, VaShamuyarira vakabuda muFLORIZI ndokuzodzokera kuZanu vakaendawo kunoshanda nebato iri munguva yehondo vari kuMozambique.

Pakawana nyika kuzvitonga kuzere VaShamuyarira vakaitwa gurukota rezvekudyizdzana nedzimwe nyika.

Mushure mezvo vakaitwa gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vakashanda zvakasimba nemasangano evanyori nevadhindisi vemabhuku mukuumbwa kwe Zimbabwe International Book Fair. Vakashandawo segurukota rezvemaindasitiri.

Asi vakazosiya zvematongerwo enyika muna 2010 vachiti vave kunonyora mabhuku.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti nyika yarasikirwa zvikuru nemunhu ainge akazvipira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti VaShamuyarira vakashanda mukuzivisa vanhu nezvechimurenga vari mupepeti mukuru wenhau.
XS
SM
MD
LG