Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokumbira Rubatsiro Kunze Rwekubatsira Vavhiringwa neMafashamu


VaIgnatius Chombo
VaIgnatius Chombo
Gurukota rinoona nezvematunhu, VaIgnatious Chombo, vanoti hurumende yatotanga kubvisa vanhu kunzvimbo dziri pedyo nedhamu reTokwe Mukosi kuMasvingo iro rotyirwa kuti rinogona kubvajuka rikayeredza vanhu.

NeMuvhuro VaChombo nevamwe vakuru vehurumende, kusanganisira gurukota rinoona nezveku Masvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vainge vari kuTokwe Mukosi vachiona mamiriro akaita zvinhu munzvimbo iyi.

VaChombo vanotiwo vari kutarisirawo kuti kusvika neChipiri vanhu vange vapotera musvitsuwa pedyo nedhamu iri vanenge vanunurwa nezvikopokopo zveAir Force. Vamwe vanhu vange vachitamiswa nehurumende.

NeSvondo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati nyaya yedambudziko remafashamu yave nhamo huru yoiswa mumaoko ehurumende kana kuti "state of disaster".

Izvi zvave kureva kuti nyika yave kukwanisa kutsvaga mari kune nyika dzekunze pamwe nemasangano ekunze anopa rubatsiro.

Mukuru webazi rehurumende reCivil Protection Unit rinobatsira vawirwa nematambudziko akadai, VaMadzudzo Pawadyiwa, vanoti hurumende haina kuvapa mari yakakwana yekubatsira vanenge vawirwa nedambudziko remafashamu.

Nzvimbo dziri muMatatebeland South, Masvingo neMashonaland Central dzakatarisana nedambudziko remafashamu iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG