Accessibility links

Breaking News

Ndege yeFastJet Yoparura Rwendo rweHarare-Johannesburg Muna Kukadzi


Fastjet Executives
Fastjet Executives

Vachizivisa nezvehurongwa hwekambani yavo, mumwe mukuru wekambani iyi anoona nezvekufambiswa kwemabasa, Va Ed Lanca, vanoti vane hurongwa hwekuenda kuJohannesburg ku South Africa kamwe pazuva asi kana vanhu vakawanda vanenge vave kuenda kaviri pazuva.

Imwe kambani yendege yakachipisisa yeFastjet inoti ichatanga rwendo rwekuenda kuJohanesburg kuSouth Africa nemutengo wemadhora makumi masere parwendo rwekuenda chete (one way) mwedzi unouya.

Kambani iyi inoti inotarisira kuti vanhu vazhinji vanofamba nemabhazi kana motokari dzavo vachashandisa FastJet

Vachizivisa nezvehurongwa hwekambani yavo, mumwe mukuru wekambani iyi anoona nezvekufambiswa kwemabasa, Va Ed Lanca, vanoti vane hurongwa hwekuenda kuJohannesburg ku South Africa kamwe pazuva asi kana vanhu vakawanda vanenge vave kuenda kaviri pazuva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wevachairi vendenge mukambani iyi, VaJoe Mparuri, vanoti tarisiro yavo ndeyekuti vaya vanoshandisa mabhazi vakwirewo ndege.

VaMuparuri vanoti ndosaka vakaderedza mitengo yavo yendege kuenda kuSouth Africa.

Mitengo wepasi pasi wemadhora makumi masere weFastjet uri pasi pemitengo yese yemamwe makambani anoendawo kuSouth Africa akaita seAirZimbabwe, South African Airways kana British Airways idzo dzinobhadharisa madhora anodarika zana nemakumi mana emadhora parwendo rumwe.

Fastjet inoenda kuVictoria Falls uko inobhadharisa vanhu mdhora makumi maviri pamwe nekuDar es Salaam uko inoita madhora makumi mashanu pamutengo wepasi pasi.

Vamwe vakamboshandisa Fastjet kuenda kuVictoria Falls, Amai Ellah Shumba, vanoti mitengo yekambani iyi yakanaka chose.

Asiwo vamwe vakaita saVaEphraim Mtandwa vati vanofara chose kuti kambani iyi ichange yave kuenda kuJohannesburg sezvo vanenge vave kutora nguva pfupi pakufamba.

Asi vati chisingavafadzi inyaya yekuti chikafu chinodhura zvikuru mundege dzeFastjet.

Zvinotora maawa anodarika makumi maviri kusvika kuJohannesburg nebhazi as indege inotora awa imwe chete nechidimbu.

Kambani yeFastjet inoti bhizimisi riri kuita zvakanaka panzendo dzayo dzekuVictoria Falls neTanzania uye ine hurongwa hwekutanga nzendo dzekuBulawayo, Zambia neMalawi munguva pfupi inotevera.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaIrimai Mkwishu, vanoti kunyange hazvo vasinganatsoziva mashandiro ekambani yeFastjet, vanoti inogona kubudirira sezvo ichikwanisa kuwana vanhu vakawanda.

XS
SM
MD
LG