Svondo, Chikunguru 05, 2015 Local time: 02:11

Nhau / Africa

Varimi Voshaya Fetereza kuBuhera

x
Thomas Chiripasi
Vagari vekuBuhera mubhuku rekwaMakumbe vanoti zvirimwa zvavo zvava kutsvukuruka nemvura yawandisa ivo vasina fetereza yekuisa muminda yavo.

Vagari ava vanoti dai hurumende yawona zvaingaite nekukasika kuitira kuti mbesa dzavo dzirarame kuitira kuti vagowana chouviri.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, Amai Colletha Makumbe, vanoti chibage chavo chatsvuruka nepamusana pekushaya kwavari kuita fetereza.

Mumwe Mugari wemunzvimbo iyi, VaSimon Makuvise, vanotiwo fetereza yepamusoro ye Ammonium Nitrate iri kudhura zvinoshura mare. Vanoti saga rimwe chete refetereza rinonzi riri kutengeswa nemari inoita madhora makumi matatu nemanomwe.

Ishe wemunzvimbo iyi, Ishe Makumbe, vanoti dai mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vakambobatsira vanhu vemudunhu ravo, vadzoka zvakare kuzovabatsira nefetereza.

Mambo Makumbe vanoti hapana zvazvinobatsira kuti hurumende yakavapa mbeu yozoregedza kuvapa fetereza vachiti izvi zvakafanana nekukanda mari mudziva.

Bato raVaTsvangirai rakapa vanhu vakawanda mbeu muBuhera nekune dzimwe nzvimbo munyika uye mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vakabatsirawo vanhu vazhinji nembeu pasi pechirongwa che Presidential Input Scheme.

Asi gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vakaudza musangano we Confederation of Zimbabwe Industries waitsvaga nzira dzekuti hupfumi hwenyika hungasimudzirwe sei kuti hurumende inofanira kusimbaradza nyaya dzezvekurima munyika kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire zvavakati zvinozobatsira veruzhinji.

Kudzamara hurumende yawona zvaingate kuti vagari veku Buhera vawane fetereza nekukasika, zvirimwa zvevanhu ava zvichatadza kusvika zvinozoita kuti vatarisane nenzara yakawomarara seyavakawona gore rapera.

You May Like

Vhidhiyo Musangano weWomen of Dominion International 2015

Musangano weWomen of Dominion International wapinda muzuva repiri muguta reCincinnatti ku Ohio. Musangano uyu, uyo wakatanga neChina uye uchipera neSvondo, unobatanidza madzimai emadzisvondo akasiyana siyana. - Praxedes Jeremiah Onai zvimwe

South Africa Inobata Nyanga dzeNzou Dzabva kuZimbabwe

Mashoko aburitswa nevanoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu nezvinhu panhandare ye Oliver Tambo International Airport muJohannesburg, anoti nyanga idzi dzange dzisina matsamba uye dzange dzakavigwa mumapepa. Onai zvimwe

Musangano weWomen of Dominion International Unopinda Muzuva Repiri kuCincinnatti

Musangano uyu, uyo wakatanga neChina uye uchipera neSvondo, unobatanidza madzimai emadzisvondo akasiyana siyana. Onai zvimwe

Mutori weNhau Patrick Chitongo Anoburitswa Mujeri

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira kuChiredzi, anoti ari kunzwa kufara zvikuru nekuwaniswa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti nyaya yake itongwe achibva kumba. Onai zvimwe

Vhidhiyo Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French.
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

Facebook