Wednesday, July 30, 2014 Local time: 11:06

Nhau / Africa

Britain neAustralia Dzobatsira Varimi neMamiriyoni Gumi neRimwe eMadhora

Munda wechibageMunda wechibage
x
Munda wechibage
Munda wechibage
Irwin Chifera
— Britain neAustralia dzapa mari inoita madhora mamiriyoni gumi nerimwe nechidimbu yekubatsira varimi vekumaruwa kuitira kuti vatenge mbeu nezvimwe zvinodiwa. Mari iyi yapihwa pasi pechirongwa chesangano rinoona nezvekusimudzirwa kwechikafu pasi rose, reFood and Agricultural Organisation, kana kuti FAO.

Bazi remuBritain, rinoona nezvebudiriro kunze kwenyika iyi, re Department for International Development, kana kuti DFID, rabvisa madhora mamiriyoni manomwe nechidimbu, ukuwo bazi rekuAustralia re Australian Agency for International Development, kana kuti AusAID, rapawo madhora mamiryoni mana kuchirongwa ichi chichabatsira varimi zviuru makumi matanhatu munzvimbo dzine nzara munyika.

Vachiparura chirongwa ichi muHarare neChitatu, mukuru weFAO muZimbabwe nedunhu rekuchamhembe kweAfrica, VaGaoju Han, vati chirongwa ichi chichawedzera goho revarimi vemumaruwa izvo zvichaderedza nzara munzvimbo idzi.

Pasi pechirongwa ichi, varimi zviuru makumi  mana vachabatsirwa nembeu uye ivo vachabvisawo madhora makumi matatu kupinda muchirongwa ichi. Mukuru weDFID muZimbabwe, Amai Jane Rintoul, vatiwo chirongwa ichi chakanangana nekuderedza huwandu hwevahu vanoda rubatsiro rwechikafu muZimbabwe.

Mumiriri weAustralia muZimbabwe, VaMatthew Neuhaus,  vati nyika yavo inoda kubatsira Zimbabwe munyaya dzekurima uye kuti nyika iyi idzoke kuve dura  rekuchamhembe kweAfrica.

Munyori mubazi rezvekurima, VaNgoni Masoka, vatenda chirongwa ichi vachiti chichabatsira zvirongwa zvebazi ravo zvekusimudzira mabasa ekurima.  
FAO ndiyo ichaona kuti chirongwa ichi chichafamba sei. Varimi vanotarisirwa kutanga kuwana rubatsiro pakati paGumiguru.

Chirongwa ichi chichabatsira vanhu kubva kumatunhu madiki makumi maviri muManicaland, Mashonaland East, Mashonaland West, Masvingo, Midlands, Matabeleland North neMatabeleland South.

Britain neAustralia dzinoti gore rinouya dzichaparura chirongwa chemakore mana chekusimudzira mabasa ekurima muZimbabwe.

Masvondo maviri apfuura, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakati hurumende iri kutsvaga mari inodarika zana remamiriyoni emadhora yekubatsira varimi kutenga mbeu nezvimwe pamwe nekusimudzira mabasa ekupfuya mombe. Vakati vachataura nemasangano anoshanda akazvimiririra pamwe nemabhanga kuti abatsire varimi.

This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Chirongwa

Facebook