Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopemha Chikafu Yakagarira Minda


Rains Arrive, But Zimbabwe Farmers Say Seed and Fertilizer Are Lacking
Rains Arrive, But Zimbabwe Farmers Say Seed and Fertilizer Are Lacking

Pakawana Zimbabwe kuzvitonga muna 1980, munyika maive nechikafu chaikwanira nyika, asi nhasi veruzhinji vave kunonga svosve nemuromo sezvo nyika yoramba ichisunza gore negore.

Varimi vakawanda vanoti nzara yatekeshera munyika nekuda kwemitemo yezvekurima, kunyimwa mari kumabhangi pamwe nekudhura kwembeu nezvekurimisa.

Varimi ava vanoti dambudziko rekusanaya kwemvura yakawanda idambudziko rinopedzwa nemvura yekudiridzira.

Mumwe murimi, VaChristopher Mamina, avo vane makore gumi nemana vawana munda kuMhangura, vanoti bazi rezvekurima rinotungamirirwa naVaJoseph Made, ndiro rapinza nzara munyika.

VaMamina vanoti bazi iri hapana zvariri kuitira varimi kuti vawane mapombi ukudiridzisa zvirimwa kana mvura isinganaye zvakanaka.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wekuMakonde, VaMcdonald Mbirimi, avo vanoti nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka kuri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze, kudiridzira zvirimwa nemvura yemumadhamu ndiko kunounza goho guru.

VaMbirimi vanoti nguva yasvika yekuti hurumende ibvumidze kurima mbeu dzemasanganiswa dzema Genetically Modified Organism (GMO) nekuti ndizvo zvave kuitwa nenyika dzakawanda.

VaMbirimi vanoti hazviyamure kuramba mbeu dzemaGMO nekuti ndidzo dzatinozotengeserwa kana tave kusunza.

VaMamina vanoti kurima kunoda mari uye mbeu nezvekurimisa zvakaita semafotireza zvinofanirwa kudzikiswa mitengo yazvo. Vanoti hurumende inofanirwa kupindira nekupa vanogadzira fotireza mari yekugadzira kuitira kuti mutengo wayo uderere .

Vamamina vanoti Zimbabwe ndiyo nyika ine fotireza inonyanya kudhura mudunhu reSADC.

Saga refotireza rinoita madhora makumi matatu nemashanu rinotengeswa kuZambia nemadhora manomwe chete.

Varimi vanoti kuti vapiwe mari kumabhanga, hurumende ngaigadzirise nyaya yematsamba e 99 year lease ne A1 Permit kuitira kuti matsamba iwayo akwanise kutambirwa nemabhangi.

Mumwe murimi wekuBanket, VaTagarisa Chimusasa, vanoti kunyange vakapiwa mari kumabhangi mutengo wemari yacho wakakwira zvekuti vanoramba vakaomerwa.

Vamwe varimi vanoti nyaya dzematongerwo enyika hadzifanirwe kusanganiswa nezvekurima nekuti izvi zvinoita kuti vanhu vatore mbeu nezvekurimisa zvechisimba vasingabhadhare.

Varimi vanobvuma kuti vanoda kudzidziswa kuti varime zvine hugwaru zvinokurudzirwa nana mazvikokota vekurima.

Mazvikokota wekurima, VaPaul Zacharia, avo vanoshanda neZimbabwe Farmers Union vanowirirana nevarimi vakawanda kuti hurumende inofanirwa kuvandudza mitemo yezvekurima yakaita sekubvumira mbeu dzemaGMO, kupindira nemari mukugadzirwa kwefotireza kuitira kuti mutenga yacho idzike.

Zimbabwe yakatanga kutora minda yaiva yevachena muna 2000, mushure mekunge veruzhinji varamba kutambira bumbiro idzva mureferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

Minda yaibvutwa iyi yakapihwa vanhu vatema, vazhinji vari vakuru vakuru mu Zanu PF pasi pechirongwa chegovera ivhu patsva.

Chirongwa ichi chakaitwa nenzira yakaoonekwa seine hutsinye nevanorwira kodzero dzevanhu, sezvo vamwe varime vachena vakafa, vamwe vakakuvadzwa zvakaipisisa paibvutwa minda nevanozviti vakarwira rusununguko rwenyika.

Zvichitevera kutorwa kweminda iyi, Zimbabwe haina kuzorima chikafu chinoikwanira, kunyange hazvo ivhu rava mumaoko evanhu vatema kwemakore anodarika gumi nemashanu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hupfumi hwenyika huri kuramba huchiondomoka, sezvo Zimbabwe yaiwana mari yakawanda yaibva mukutengesa zvirimwa kunze kwenyika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vakuru vehurumende, zvikuru sei mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vasangoramba vachinyomba nekutyisidzira varimi vechichena vashoma vasara nekuda kuvadzinga muminda uye kuti hurumemde ive negwara rekurima rinoenderana nenguva kuitira kuti nyika irime zvinoikwanira, kwete zvairi kuita zvekufa nenyota makumbo ari mumvura.

XS
SM
MD
LG