Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vorapwa Maziso Pachena kuChinhoyi


Italian eye doctor attends to a Mash West resident
Italian eye doctor attends to a Mash West resident

Vagari vemudunhu reMashonaland West vanorwara nemaziso vari kurapwa pamwe nekupiwa magirazi ukuonesa zvakanaka pachena pasi pechirongwa chevanoyamura vakabva ku Italy.

Chirongwa ichi chiri kuyamura vanhu pachena uye chiri kutambirwa nemufaro sezvo vagari vakawanda vasina mari yekurapwa sezvo zvinhu zvakavaomera munyika.

Mumwe wevanhu vayamurwa neChipiri ndiVaDavid Mukoti muparidzi wevhangeri muchechi yeSalvation Army. VaMukoti vanoti vayamurika zvakanyanya sezvo vanga vasisakwanise kuverenga.

VaMukoti vanoti nekuda kwemagirazi avapiwa vave kuona zvakanaka.

Vana vechikoro vane dambudziko remaziso vari kuyamurwawo pachirongwa ichi chakatanga neMuvhuro uye chichapera neChishanu svondo rino.

Brenda Phiri, uyo anodzidza paChikonohono Primary School mugwaro rechina anoti anga asinga kwanise kuona zvinhu zvinenge zviri kure, asi ave kukwanisa nekuda kwemagirazi aapiwa vanhu.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, Amai Molly Dzumbunu, vanoti vauya kuzopiwa magirazi pachena sezvo vange vasina mari yekutenga magirazi kuti vaone zaakanaka.

Vachitaura ne Studio7 chiremba ari kutarisa vanhu maziso, Dr Fransesca Pontecorvi, vanoti vari kufara nehuwandu hwevanhu vari kuuya kuzoyamurwa.

Chirongwa chekuyamura vane matambudziko emaziso chakaunzwa munyika kuburikidza nemasangano akazvimiririra eku Italy anoti Dolmite ne Stand Up for Life.

Chiremba mukuru, Dr Carlo Spagnolli, avo vashanda pachipatara cheChinhoyi kwemakore anodarika gumi ndivo vakatsvaka masangano aya kunyika kwavo nekuda kwematambudziko emaziso avainge vaona muZimbabwe.

Dr Spagnolli vanoti chirongwa ichi chicharamba chichienderera mberi sezvo paina vana mukoti vari kudzidziswa basa iri pachipatara pari zvino.

Vanotiwo vanenge vaine magirazi anenge asisashande zvakanaka, vanodzoka kuzopiwa mamwe sezvo paine hurongwa hwekuti magirazi arambe achitumirwa kubva kuItaly.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG