Thursday, December 18, 2014 Local time: 10:28

Nhau / Matongerwo eNyika

Mabhanga eVatema Otatarika

VaGideon GonoVaGideon Gono
x
VaGideon Gono
VaGideon Gono
Blessing Zulu
Mabhanga akawanda evatema munyika anonzi akatadza kuunganidza mari iri kudiwa nebanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora yekuti inge iri mumatura avo musi wa 31 Zvita gore rapera kana vasingadi kutorerwa marezinesi.

Asi gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vanoti vachambovapa nguva yekuona kuti vagadzirise zvinhu kuitira kuti vaunganidze mari iyi. VaGono vakati mabhanga makuru anofanira kunge aunganidza mari inosvika zana remamiriyoni emadhora kusvika muna Chikumi 2014.

Vakuru muRBZ vanoti mabhanga makuru akaita seBarclays, Standard Chartered, BancABC, Stanbic neCommercial Bank of Zimbabwe akabudirira mukuunganidza mari iri kudiwa.

Asi mabhanga evatema akaita seZABG, Kingdon nemamwe ari kutatarika kuti awane mari dzinodiwa.

Mabhanga anosvika masere pamabhanga anosvika makumi maviri nemaviri ndiwo akabudirira kuti ange achiunganidza mari iyi. Vakuru veRBZ vanoti mabhanga akawanda achamanikdzwa kuti aite mushandirapamwe kana achikundikana kuunganidza mari idzi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti izvi zvakanaka kuitira kuti vanhu vasarasikirwe nemari kumabhanga.

Hurukuro naVaLuxon Zembe
Hurukuro naVaLuxon Zembei
|| 0:00:00
...    
🔇
X

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

VaTsvangirai Vokurudzura Vatsigiri Vavo Kuratidzira Zvakasimba Gore Rinouya

Mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti vari pakati pekutaura nenhengo dzebato ravo vachidzikurudzira kuti dziratidzire pakutanga kwegore rinouya pamusana nekusamira zvakanaka kwaita zvinhu munyika. Onai zvimwe

Zimbabwe Inopihwa $100M neWorld Bank neSweden Ichavakiridza Mudhuri weKariba Dam

Bhanga re World Bank raburitsa mari inoita mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora, ukuwo hurumende ye Sweden yaburitsawo mari inoita mamiriyoni makumi maviri nemashanu emadhora yakanangana nekuvakiridza mudhuri wedhamu reKariba mudunhu re Mashonaland West uyo wakatsemuka. Onai zvimwe

Chicken Slice Yotsamwisa Vanotaura Ndebele

Izvi zvinotevera kunyunyuta kwevagari vachiti zvinyorwa zviri paBill Board zvekambani iyi zvekushambadza chikafu zvakanganiswa kuperetwa mururimi rweNdebele. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook