WASHINGTON —
Apo Zimbabwe yotarisana nesarudzo dzakakosha gore rinouya, vamwe munyika vave kukurudzira mapato anopikisana neZanu-PF kuti abatane kana achida kukunda zvine mutsindo mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, musarudzo yemutungamiri wenyika.
Vamwe vakuru vemapato muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe ne MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, vatanga kutaura zvakakoshera kuumba chibvumirano chekuti vaite muonera pamwekuitira kuti vakunde Zanu-PF nemutungamiri wayo.
Vachitaura kuManchester University kuEngland mukutanga kwemwedzi uno, munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, vakati kuti bato ravo ribatane neraVaNcube, zvinonetsa, asi zvinoda kuti vaite chibvumirano chekuti vashande vose vodoma mutungamiri mumwe chete anokwikwidzana musarudzo naVaMugabe.
VaBiti vanoti moyo wavo unorwadza kuti nekusabatana kwavakaita muna 2008, zvakapa kuti VaTsvangirai vagume voita sarudzo yechipiri naVaMugabe yemutungamiri wenyika iyo isina kuzoitwa nenyaya yemhirizhonga.
Senator David Coltart vebato veMDC-N, vanotiwo kunyange mapato aya achiita kunge makara asionane, zvakakosha kuti vashande pamwe chete kuitira kuti vakunde VaMugabe.
Asi VaNcube mbune vanoti kunyange hazvo zvakakosha kuti vashande pamwe chete, zvinhu zvakaoma nekuti hapachina nguva uye zvakamboyedzwa zvikatadza kubudirira.
Kubva zvakapatsanurwa MDC muna 2005, pakamboyedzwa kuti zvikwata zviviri izvi zvibatane asi zvose zvakakona n’anga murapwa achida.
Asi munyika dzakaita seZambia, Kenya, Lesotho nedzimwe dziri muAfrica, mapato anopikisa ari kushanda pamwe kuitira kuti akwanise kunge achikunda musarudzo. Izvi ndizvo zvimwe zvakaitika kunyika dzakaita seBritain neIsrael.
Asi vamwe vanotiwo hazvibatsire kuyedza kumanikidza vanhu kubatana ivo vakasiyana sechiyedza nerima.
Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vane chido chekuti vanopikisa vabatane.
Ukuwo mutauriri weMDC-N, VaNhlanhla Dube, vanoti kubatana kwakanaka asi pane zvakawanda zvinoda kuitwa.