Muvhuro, Kukadzi 08, 2016 Local time: 16:13

    Nhau / Matongerwo eNyika

    Mabhizinesi Okurudzira Runyararo Pachaitwa Sarudzo Gore Rinouya

    binhabinha
    x
    binha
    binha
    Blessing Zulu
    Vatungamiri vemabhizimisi munyika vanoti vari kuzoyedza kuti vataure nevezvematongerwo enyika kuti vaone kuti zvinhu zvagadzikana munyika pasati paitwa referendamu nesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

    Sarudzo dzemuZimbabwe mumakore apfuura dzange dziine mhirizhonga yakanyanya zvakapa kuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vabude musarudzo yechipiri  yemutungamiri wenyika muna 2008.Izvi  zvakazopa kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa.

    Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti kusawirirana panyaya yegwara rakajeka rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa ndizvo zvakapa kuti zvinhu zvisafambe zvakanaka munyaya yezvemabhizimisi munyika.  

    Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nezvehupfumi dzinotiwo mitemo yakaita seyekuendesa hupfumi kuvatema iri kukanganisawo zvinhu zvopa kuti nyika irambe ichitatarika munyaya dzezvehupfumi.

    Mukutanga kwegore, gurukota rezvemari, VaTenda Biti, vainge vati hupfumi hwaigona kukwira nezvikamu mapfumbamwe kubva muzana, asi hukazokura nezvikamu zvina chete kubva muzana.

    Zimbabwe iri kupedza gore iine chikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi nerimwe emadhora chekunze. Izvi zviri kupa kuti Zimbabwe itadze kukwereta kumabhanga anokweretesa pasi rose.

    Maindasitiri anonziwo ari kushanda ari pazvikamu makumi mana kubva muzana, kubva pamakumi mashanu nemanomwe kubva muzana gore rapera. Zimbabwe ichakanaka, maindasitiri aya aishanda ari muzvikamu zana kubva muzana, asi izvi zvakazoviringwa nezvirongwa zveZanu PF, pamwe nekutadza kutonga kwebato iri uko kwakasiyana makambani mazvinji avhara.

    Mutungamiri weZNCC, VaOswell Binha,  vanoti vemabhizimisi vanoda kuti vematongerwo enyika vaite zvinhu murunyararo kuitira munyika mugadzikane, uye vanokwanisa kusima mari dzavo munyika, voita izvi pasina mitemo inovambunyikidza.

    Hurukuro naVaOswell Binha
    Hurukuro naVaOswell Binhai
    || 0:00:00
    ...    
     
    X

    You May Like

    Hurumende Inotara Nzara seDambudziko Rakakurisisa Munyika

    Hurumende yabvuma zvino kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu, izvo zvaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatare nzara iriko sedambudziko rakaipisisa. Onai zvimwe

    Vhidhiyo VOA60 Africa - S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine

    S. Africa: 90 miners rescued, three missing after a cave-in at a gold mine Onai zvimwe

    Mabhanga Maviri muZimbabwe Anobviswa paZvirango Zvakatemerwa neAmerica

    Hurumende yeAmerica yabvisa mabhanga maviri anoti reAgribank nere International Development Bank of Zimbabwe pazvirango zvakatemerwa makambani nevamwe vari muhurumende yeZanu-PF kusanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Onai zvimwe

    Vhidhiyo Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

    Rooftop Yovaka Muzinda weChizvinozvino Munyaya dzeMitambo

    Mukuru weRooftop Promotions, VaDavies Guzha, vanoti musha mutsva uyu uchasimudzira mitambo, mabhaisikopo kana mafirimu emuno ayo asina kwaari kuratidzwa pari zvino. Onai zvimwe
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20
    Indaba zesiNdebele

    Indaba zesiNdebele

    Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
    English

    English

    Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe.
    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20

    • Nhau dzeShona
      20 min

      Nhau dzeShona

      Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

    • Nhau dzeShona
      20 min

      Nhau dzeShona

      Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

    Facebook