Svondo, Nyamavhuvhu 30, 2015 Local time: 13:51

Nhau / Africa

VaNcube Vanoti Bato Ravo Richakunda Zvine Mutsindo

x
Taurai Shava
Mutungamiri weMDC duku, VaWelshman Ncube, vanoti bato ravo rakagadzirira kupinda musarudzo pasi pebumbiro remitemo yenyika riripo pari zvino kana pakaita kusawirirana pabumbiro riri kunyorwa.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano nevatsigiri vavo paMaboleni kuLower Gweru neSvondo, VaNcube vakati bato ravo rakazvipira kupinda musarudzo pasi pebumbiro riripo kunyange nyika ikatadza kuve nebumbiro idzva remitemo yenyika.

VaNcube, avo vakaudza vatsigiri vavo kuti zvinonetsa kuwana bumbiro remitemo yenyika rakanaka pasi pehutongi hwehudzvanyiriri, vakati kana zvekuve nebumbiro idzva iri zvaramba nekuda kwemakakatanwa aripo, nyika inogona kuzove nebumbiro idzva iri pane imwe nguva.

VaNcube vakashora zvikuru bato reZanu PF vachiti bato iri riri kuda kumanikidza mamwe mapato nevanhu vese vemunyika kuti vaite zvido zvaro.

Zvikwata zviviri zveMDC zvave nenguva zvichiti zvichapinda musarudzo chete kana misariridzwa yese yemuchibvumirano cheGlobal Political Agreement yazadzikiswa.

Asi VaNcube vakati mitemo yenyika inoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa gore rinouya zvisinei kuti pave nebumbiro idzva remitemo yenyika here kana kuti kwete.

Vachipindura mubvunzo wekuti vanoona bato ravo richikunda here musarudzo, VaNcube, avo vave nenguva vachiramba kuti bato ravo richabatana neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vakati bato ravo harifanirwe kunzi ibato diki kune mamwe vachiti vanoona bato ravo richikunda zvine mutsindo musarudzo.

Panyaya yekuti sei kumutsurudzwa kwemakambani emunyika kusiri kufamba zvakanaka, VaNcube, avo vanovewo gurukota rezvemaindasitiri vakati izvi zviri kunyanyokonzerwa nekusadhonzera pamwe chete kunoitika muhurumende yemubatanidzwa.

VaNcube vakazivisa kuti svondo rapera hurumende yakavimbisa kambani yeEssar Africa Holdings, iyo yakatenga kambani yeZiscosteel kubva kuhurumende, kuti yaizozadzikisa chibvumirano chayo nekambani iyi panyaya yezviwanikwa zvesimbi zviri kumwanesi pedyo nechivhu.

Kambani yeEssar Africa yange yave kutsutsumwa nekuda kwemashoko akataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvemigodhi, VaGift Chimanikire, ekuti hurumende ichapa marezinesi ekuchera zviwanikwa muZimbabwe.

Chikwata chaVaNcube chiri kuita misangano munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika sezviri kuitwa nechikwata cheMDC inotungamirwa naVaTsvangirai nechinangwa chekuzivisa vatsigiri pamusoro pezviri kuitika munyika kunyanya panyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika pamwe nesarudzo idzo dzinotarisirwa kuitwa gore rinouya.

You May Like

Vhidhiyo Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

Vagari kuChivi Voparura Zvirongwa Zvinosimudzira Dunhu Ravo

Sachigaro weChivi Rural District Council, uye vari kanzura we Ward 31, VaKiller Zivhu, vanoti vanenge vakaungana pamusha pavo apo vanenge vachiparura zvirongwa zvakawanda. Onai zvimwe

Zvikwata Zvokweshana Mukupera kweSvondo Mumakwikwi eCLPSC

Zvikwata zviri pamusoro soro peCastle Lager Premier Soccer League zviri parumana nzombe apo makwikwi opinda muvhiki remakumi maviri nerimwe chete. Onai zvimwe

MDC-T Inoti Zimbabwe Inoda Mari Yakawandisa Kuti Ivandudze Hupfumi

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti hupfumi hwenyika huri kutoda kuti Zimbabwe iwane mari ine chitsama yainopihwa kamwe chete kuti hupfumi hwenyika husimudzirwe zvine mutsindo. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa - Ebola survivor gives birth to baby boy - August 28, 2015

Sierra Leone: Ebola survivor Victoria Yillia – who lost 21 relative to infectious disease - gives birth to baby boy. Onai zvimwe
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French.
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 20
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

  • Nhau dzeShona
    20 min

    Nhau dzeShona

    Nhau dzeShona Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00...

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

Facebook