Wednesday, October 22, 2014 Local time: 03:06

Nhau / Matongerwo eNyika

AU neSADC Dzinoti Hapana Sarudzo muZimbabwe Pasina Bumbiro Idzva

x
Blessing Zulu
African Union, AU, iri kutarisirwa kuzeya nyaya yeZimbabwe neKenya kumusangano wayo uri kuitirwa kuAddis Ababa, Ethopia muna Ndira paine kurudziro yekuti pasavezve nekudeurwa kweropa musarudzo dziri kutarisirwa munyika mbiri idzi.

AU neSADC ndidzo dziri kuongorora kuti zvinhu zviri mugwara here panyaya yekuvandudzwa kwezvinhu pasati paitwa sarudzo muZimbabwe.

Vakuru muSADC neAU  vanoti mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanove mutongi gava weSADC  panyaya yeZimbabwe, vari kutarisirwa kutura gwaro kune vamwe vatungamiri veAU rinotaridza pasvika Zimbabwe panyaya yegadziriro yesarudzo uye kupa kurudziro yekuti zvinhu izvi zvizadzikiswe pasati paitwa sarudzo.

VaMugabe, pamusangano webato ravo wepagore wakapera neMugovera, vakati kana vari kunyora bumbiro vakasaripedza muna Zvita muno, vachaita kuti paramende isiye basa voita sarudzo muna Kurume vachishandisa bumbiro riripo iye zvino.

Asi pasi pechibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, VaMugabe havana masimba ekuita zvavari kutaura vasina kuwirirana nevamwe vavo muhurumende.

Vatungamiri veSADC vakasangana neMugovera kuTanzania vakapawo kurudziro yekuti Zimbabwe izadzikise zvose zviri muchibvumirano chezvematongerwo enyika,  cheGPA, uye kuvhotera bumbiro remitemo idzva isati yaita sarudzo.

Vatungamiri venyika dzemuAfrica vanonzi havasi kuda kuti muZimbabwe nemuKenya mudeurwe ropa sezvakamboitika kuKenya muna 2007 nemuZimbabwe muna 2008 zvikapa kuumbwa kwehurumende dzemubatanidzwa munyika mbiri idzi. 

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaPhillan Zamchiya, vanoti SADC neAU dzave kuratidza kuti dzave nemeno kana dzava kutora matanho akasimba panyaya yeZimbabwe .

Hurukuro naVaPhillan Zamchiya
Hurukuro naVaPhillan Zamchiyai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

You May Like

VaDzamara Vanoratidzira muAfrica Unity Square

Mupepeti webepanhau re The News Leader, Va Itai Dzamara, nevamwe vari kuvatsigira vatanga neChipiri kugara pa Africa Unity Square mu Harare vakamirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vavari kuda kuti vasiye basa. Onai zvimwe

Vana Chiremba Voramwa Mabasa Kutanga neMuvhuro

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti kutanga neMuvhuro vana chiremba muzvipatara zvose zvehurumende vachatanga kuramwa mabasa sezvo nhaurirano nehurumende panyaya yemari yemihoro nemashandiro avo dzakundikana zvachose. Onai zvimwe

Vari Kuda Zvigaro muMDC T Vobvumidzwa Kutsvaga Rutsigiro

Bato reMDC T rinoti ravhururira mukana vari kuda kukwikwidza musarudzo dzichaitwa pakongiresi yebato iyi mukupera kwemwedzi uno, kuti vachitanga kutsvaga rutsigiro Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


Facebook