Accessibility links

Breaking News

Vamwe muZanu-PF Voti Sarudzo Dziitwe Pasina Bumbiro Idzva


Afghan men hoist the holy mace during celebrations of Nowruz, the Persian New Year, at the Kart-e-Sakhi's shrine in Kabul, March 21, 2014.
Afghan men hoist the holy mace during celebrations of Nowruz, the Persian New Year, at the Kart-e-Sakhi's shrine in Kabul, March 21, 2014.
Vamwe vakaoma musoro muZanu-PF vanonzi varuvamba zvakare rwiyo rwekukurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vaende kuSADC kunotaura nevamwe vakuru venyika idzi kuti vabvume kuti Zimbabwe iite sarudzo gore rinouya pasina bumbiro idzva sezvo mapato ari muhurumende yemubatanidzwa ari kutadza kuwirirana.

Asi mapato maviri eMDC anoti zviri kuda kuitwa neZanu-PF izvi hazvisi kuzoitika nekuti SADC yakabuda pachena kare kuti sarudzo dzinoitwa chete pave nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Mutauriri we MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havasi kuzotambira kurudziro yeZanu-PF sezvo mapato ose achifanirwa kutevedzera zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement. Vatiwo nyaya yekuda kuita sarudzo muna Kurume iri kutaurwa naVaMugabe haiite nekuti pane zvinhu zvakawanda zvinoda kutanga zvavandudzwa.

Komiti iri kukokera mabasa eCOPAC ndiyo iri kunzi yave kuyedza kugadzirisa zviri kunetsa mubumbiro asi hapana kuwirirana zvachose panyaya yekuendesa masimba kumatunhu uye kuti vanhu vopihwa kodzero dze Dual Citizenship here kana kuti kwete.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti igaroziva kuti veMDC vanogara vakazhamba sevana vadiki.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari murongi wemabasa musangano idzva re Zimbabwe Democracy Institute, VaDewa Mavhinga, vanoti zvakakosha kuti mapato ose ari muhurumende anofanirwa kurenekedza zvaakawirirana.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG