Accessibility links

Breaking News

SADC Yokumbirwa Kubatsira Zimbabwe Musarudzo


Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti riri kutumira nhumwa kuMozambique nekuTanzania nechinangwa chekukurudzira nyika mbiri idzi kuti dzione kuti muZimbabwe maitwa shanduko pasati paitwa sarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya.

Mutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza, ndivo sachigaro weSADC uye VaJakaya Kikwete veTanzania ndivo sachigaro weSADC Troika. SADC inoti vaviri ava vachiri vakamirira kunzwa kubva kuna mutongi gava weSADC pagakava remuZimbabwe, VaJacob Zuma, vanova mutungamiri weSouth Africa kuti votora danho ripi.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vari kumirirawo kunzwa kubva kumapato emuZimbabwe kuti votora gwara ripi.

Mapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa atotanga kuita gadziriro yesarudzo zvakasimba asi zvinhu zvinoda kugadziriswa kuti paitwe sarudzo dzakachena hazvisati zvapera.

Nyaya yemhirizhonga nekusungwa sungwa kwevanhu, kuvandudza mitemo inobata sarudzo, mitemo ine haudzvanyiriri yakaita sePublic Order and Security Act, (POSA) ne Access to Information and Protection of Privacy Act, (AIPPA), ndizvo zvimwe zvezvinhu zviri kunzi zvinofanira kuti zvigadziriswe pasati paitwa sarudzo.

Asi mapato ezvematongerwo enyika haasi kumira mugadziriro yawo yesarudzo.

Matunhu mazhinji eZanu-PF atozivisa kuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, ndivo vachamirira bato musarudzo dzemutungamiri wenyika.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti ichaita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato muna Zvita. MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube haisati yave nezuva rekutsvaga vachaimirira.

Mukuru eCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMcdonald Lewanika, vanoti SADC ndiyo ingatobatsira Zimbabwe kuitira kuti zvinhu zvifambiswe negwara kwaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG