Accessibility links

Breaking News

Vakweguri Voyaura neNhamo muZimbabwe Yakasununguka


Vakweguri vanoti zvinhu zviri kuvaomera muhupenyu hwavo nepamusana pekushaya mari yekushandisa muzvinhu zvizhinji zvavanoda kuita.

Vakweguri vanoti zvinhu zviri kuvaomera muhupenyu hwavo nepamusana pekushaya mari yekushandisa muzvinhu zvizhinji zvavanoda kuita.

Mbuya Nyaradzo Masiiwa vanogara kwaSeke kuDema. Mbuya Masiiwa vaimborarama nekurima asi pari zvino havachakwanisi kuita izvi sezvo vachembera.

Mbuya ava vanoti vari kushupika zvikuru sezvo vasiri kuwana rubatsiro kubva kuhurumende, iyo vanoti inofanirwa kunge ichivabatsira sezvinodiwa nebumbiro renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mbuya Masiiwa vanoti hurumende inofanirwa kuvabatsira sezvo munyika muine nzara inotyisa zvikuru.

Mumwe mukweguri ari kushupika, Sekuru Major Makote, vanoti kushaya gurukota rinomirira vari pamudyandigere chimwe chezvinhu zviri kupa kuti vanhu vakaita saivo, kunyange vaibatirwa mari dzemudyandigere pavaishanda, vatambure zvakanyanya kudai.

Sekuru Andrew Chivi vanogara mumusha unochengetwa vakwegura we Waterfalls Old Age Home.

Sekuru Chivi vanoti boka reNational Social Security Authority ndiro riri kuvapinza parumananzombe zvisineyi kuti mari dzinobatirwa veruzhinji pamabasa dzichienda kuboka iri.

VaNicholas Mathonsi vanogara mumusha unochengeta vakwegura. VaMathonsi vanoti kunyange hazvo vaishanda vachichengeta mari yekuzoshandisa vakura, vakabudira ziya mahara sezvo pasina rubatsiro rwavari kuwana rwunovakwanira.

Muzvare Sarudzai Zvoushe vanoshandira rimwe sangano rinochengeta vakwegura kuMarondera.

Muzvare Zvoushe vanotiwo kuondomoka kwehupfumi ndiko kuri kukonzera kuti vanochengeta vakwegura vashaye pekutangira

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti hurumende inosungirwa kuchengeta vose vakwegura sezvinodiwa nechikamu 82 chebumbiro remitemo yenyika.

Pasi pemutemo uyu, vose vane makore anodarika makumi manomwe vanofanirwa kuwana rubatsiro kubva kuhurumende munyaya dzemari dzekubatsirikana, mishonga nezvimwe zvinodiwa mukuchengetedza hutano hwavo.

Asi hurumende inoti haina mari izvo zviri kuitadzisawo kubhadhara vashandi vayo nenguva.

Kudzamara hurumende yagadzirisa nyaya dzehupfumi pamwe nekuremekedza bumbiro rayo remitemo, vana sorojena vakaita saMbuya Masiiwa, Sekuru Makote nevamwe, vacharamba vachinonga svosve nemuromo, uku vakuru vakuru muhurumende vachigara matumbu akazvimba nekuguta.

XS
SM
MD
LG