Chitatu, Chikunguru 01, 2015 Local time: 21:12

Nhau / Africa

Vapepeti veNhau muAfrica Voshanyira Zimbabwe

Va Foster DongoziVa Foster Dongozi
x
Va Foster Dongozi
Va Foster Dongozi
Irwin Chifera
Masachigaro emasangano evapepeti venhau muAfrica ari muZimbabwe kuzosimbisa hukama nesangano ravapepeti venhau vemuno reZimbabwe National  Editors Forum pamwe nekuona gadziriro dzemusangano weUnited Nations World Tourism Organisation General Assembly uyo uchaitirwa kuVictoria Falls muZimbabwe nekuLivingtone kuZambia gore rino.

Sachigaro weZimbabwe National Editors Forum, VaBrian Mangwende, vaudza Studio7 kuti vakaronga rwendo rwemasachigaro aya rwemazuva maviri kuti  azodzidza nezviri kuitika munyika pamwe nematambudzika akatarisana nevatori venhau pamwe nemakambani avanoshandira munyika.

VaMangwende vanoti  apo vachange vari munyika, vapepeti ava vachasangana nemasangano anoshanda  nevavatori venhau akaita seZimbabwe Union of Journalists, Media Instutute of Southern Africa-Zimbabwe chapter, Voluntary Media Council of Zimbabwe nemamwe vachizeya mashandiro pamwe nezvinonetsa vatapi venhau muZimbabwe.

Vanotarisirwawo kushanya mumapepanhau ese nedzinhepfenyuro dzese pamwe nekusangana nemakurukota ehurumende ane chitsama.

VaMangwende vanoti  zvinhu hazvina kunyatsomira zvakanaka panyaya dzekutora nekuburitswa kwenhau sezvo pachine mitemo inombunyikidza vatapi venhau.

Vapepeti vauya vanosanganisira Mondi Mamakhanya veSouth Africa Editors Forum, VaJovial Rantao veSouthern Africa Editors Forum, anoona nezvekufambiswa kwemabasa muAfrican Editors Forum, Moumina Cheriff Sy wekuBurkina Faso, vanoona nezvekufambiswa kwebasa muSouthern African Editors Forum, Elizabeth Kalambo Mule wekuNambia naMpho Dibeela wekuBotswana.

Mumashoko avo ekupera kwegore rapera, munyori mukuru wesangano reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vakati sangano ravo harisi kufara nekuti vatapi venhau vari kuramba vachishungurudzwa  nemapurisa pamwe nevezvematongerwo enyika.

VaDongozi vanoti sangano ravo rinotarisira kuti gore rino richange rakaoma nekuda kwesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dzinozivikanwa nekumbunyikidza vatori venhau pasi rese uye kunyange hazvo hurumende yemubatanidzwa yainge yazvipira kubvisa kana kuvandudza mitemo yemashandiro evatori venhau, haisati yaita izvi.

You May Like

VaTsvangirai Vanorumbidza VaKagurabadza Apo Vanga Vachiradzikwa kwaMundenda

Mutungamiri weMDC,VaMorgan Tsvangirai, varumbidza mabasa akaitwa nemushakabvu, VaMisheck Tofamangwana Kagurabadza, apo vavigwa kumusha kwavo kwaMundenda, Manica Bridge kuManicaland. Onai zvimwe

VaMsipa Vokurudzira Vari Kunze Kutanga Mabhizinesi Kumusha

Mutungamiri wevanamuzvinabhizinesi ava, VaCharles Msipa, vanoti pane mabhizimisi mazhinji anokwanisa kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukusimudzira hupfumi hwenyika. Onai zvimwe

MDC T Inoti Makomishina Ari Kudomwa naVaMugabe Akarerekera kuZanu PF

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti sachigaro vekomisheni iyi, Amai Sangarwe-Mukahanana, vakatomboshanda muhofisi yemutungamiri wenyika uye mubazi rezvekushanyirwa kwenyika. Onai zvimwe

Vhidhiyo Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time) (1830-1900 UTC) (Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Onai zvimwe

Mapazi eHurumende Otadza Kushandisa Mari Zvakanaka

Mapazi ehurumende pamwe nemamwe makambani ari pasi pehurumende anonzi ari kukundikana kugadzirisa hurongwa hwekufambisa mari dzehurumende zvakajeka izvo zvopa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba zesiNdebele

Indaba zesiNdebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

  • Live Talk
    30 min

    Live Talk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Nhau dzeShona
    30 min

    Nhau dzeShona

    Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700...

Facebook