Accessibility links

Breaking News

Nherera dzekuMaruwa eJambesi Dzopihwa Kisimusi Bhokisi


Apo kwasara mwedzi kuti zororo reKisimisi negore idzva zvipembererwe, imwe kambani yakaunza mufaro kune vamwe vagari vekumaruwa eJambezi mudunhu reMatabeleland North nekupa chikafu kune dzimwe nherera dzemunzvimbo iyi.

Sevamwe vanhu vakawanda pasi rose, veruzhinji vemuZimbabwe vanopemberera zororo reKisimisi negore idzva vachidya nekumwa vari pamwe chete nehama neshamwari.

Asi kusamira zvakanaka kwezvehupfumi kuri kuramba kuchienderera mberi munyika kuri kuita kuti veruzhinji varambe vachitambura uye vakawanda vavo vasatarisira zororo iri nemufaro wavanofanirwa kuve vainawo.

Nekunzwisisa matambudziko akatarisana neveruzhinji aya, kambani yeInnscor Africa Bread Company kana kuti Baker’s Inn, yakapa chikafu kunherera zana nemakumi mashanu dzekumaruwa ekuJambezi neLupinyu kuHwange paJambezi Business Centre nezuro.

VaDouglas Magonya vanove mukuru wezvekushambadzira mabasa mukambani yeBaker’s Inn vakataurira Studio 7 kuti aka ndekekutanga kambani yavo ichipa rubatsiro rwakadai munyika.

Vakatatiwo vachapawo chimwe chikafu kune dzimwe nherera zana nemakumi mashanu zvekare dzekuMaphisa kuKezi mudunhu reMatabelelanda South, pasi pechirongwa chekuti makambani abatsire vari munharaunda dzavanoitira mabasa.

Vachipindura mubvunzo wekuti sei vakatanga kuda kubatsira vanhu vekuJambezi nekuMaphisa, uye kuti sei vakaona zvakakodzera kupa rubatsiro rwechikafu pane zvimwe zvose, VaMagonya vakati makambani akawanda ane mizinda yawo muHarare uye anowanzobatsira vanhu vemunzvimbo dziri pedyo neguta guru renyika chete zvosiya vari kune dzimwe vachinonga svosve nemuromo.

Vakatiwo vakasarudza kutanga kubatsira dzimwe nzvimbo dzemuMatabeleland North neSouth nechikafu sezvo vanhu vekunzvimbo idzi vachigara vachinetseka nekuwana chikafu chakakwana nekuti hakunyatsonaya zvakanaka.

Muzvare Bekezela Tshuma ndemumwe mugari wepaJambezi Business Centre uye aivewo pachiitiko ichi. Muzvare Tshuma vakatenda kupa chikafu kunherera kwakaitwa nekambani yeBaker’s Inn.

Vakatsinhira nyaya yekutambura kunoita vanhu vakawanda vemunzvimbo mavo nekushaya chikafu, vakatiwo kunyange panguva yakunonaya zvakanaka vanotadza kunyatsokohwa nekuda kwekuti mhuka dzinosanganisira nzou dzinodya zvirimwa zvavo.

"Tiri kufara chazivo. Urwu rubatsiro rwakanaka nekuti kuno kwatiri inzvimbo yakaoma."

"Tinorima hedu mhunga nemapfunde asi hatinyatsokohwa zvakawanda nekuti pakurima kwatinoita tinodyirwa zvirimwa zvedu nenzou. Hatizive kuti tingaita sei panyaya iyi; tinoda rubatsirowo ipapo. Nekwekutengesera zvishoma izvozvo zvatinenge tawana kana tarima, hatina kwekutengesera. Hatinawo futi kwekuti vanababa kana vana vanenge vapedza chikoro vangawana mabasa, saka tiri kutambura. Tinonetseka nekubharira vana mari dzechikoro", vakadaro muzvare Tshuma.

Mukuru mukuru weBaker’s Inn VaNgoni Mazango vanoti kunyange hazvo mamiriro ezvehupfumi asina kumira zvakanaka, kambani yavo iri kushanda zvakanaka kubvira pavakatanga kugadzira chingwa chavo nenzira itsva munaChikunguru gore rino.

Vakati vakaona zvakakosha kupa rubatsiro kune vechidiki vakakurudzira veruzhinji kuti vaendese vana kuchikoro sezvo vechidiki vari ivo vatungamiri vamangwana.

Ishe Shana vemudunhu iri vakatenda rubatsiro rweBaker’s Inn asi vakati munzvimbo yavo mune nherera dzakawanda nevamwe veruzhinjiwo vanotambura zvekuti shuviro yavo ndeyekuti dai vanhu vemunzvimbo iyi vakawana rumwe rubatsiro kusanganisira kuendesa vana kuchikoro uye kuwana nzvimbo yekudzidzisa vechidiki vanenge vapedza chikoro mabasa emaoko.

Chikafu chakapiwa nherera idzi chinokosha mari inopfuura zviuru zana zvemadhora.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG