Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vanoti Zimbabwe Ichadhabhara Bhiriyoni Imwe Chete yeZvikwereti Gore Rinouya


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Gurukota rinoona nezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa avo vari kumusangano kuLima, Peru weIMF neWorld Bank vanoti vane chivimbo chekuti Zimbabwe ichabudirira kubhadhara chikwereti kumabhanga makuru muna Kubvumbi gore rinouya.

VaChinamasa vanoti vanoda kuti nyika ibhadhare chikwereti chemari inopfuura bhiriyoni imwe chete yemadhora ichishandisa zviwanikwa zvayo kunyanya.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe VaProsper Chitambara vanoti havaone hurumende yeZimbabwe ichikwanisa kubhadhara chikwereti chayo.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, IMF neChishanu yakaburitsa gwaro reongororo yayakaita muZimbabwe yechipiri yeSecond Review of Staff Monitored Programme. IMF inoti chirongwa ichi chakakosha mukuumba hwaro hwekuti Zimbabwe itange kudyidzana nebhanga iri.

Bhanga iri riri kutenga kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi hwenyika hazvina kumira zvakanaka zvapa kuti vanhu vakawanda varasikirwe nemabasa.

Rinotiwo nyaya yeZimbabwe yekutadza kubhadhara zvikwereti yapa kuti vakawanda vanokweretesa mari vatadze kupa zimbabwe imwe mari izvo zvokonzera matambudziko akanyanya.

Kunyangwe zvinhu zvakaoma, IMF inoti Zimbabwe iri kuyedza kuti zvinhu zvigadzirisike.

XS
SM
MD
LG