Accessibility links

Breaking News

Magetsi Ovhiringidza veMabhizimisi


Nyaya yekumutsiridza hupfumi hwenyika uho hunonzi nevakawanda hwaenda kumawere inenge ichanyanya kunetsa mushure mekunge kambani yeZimbabwe Power Company yazivisa kuti magwenya ayo ose aderedza huwandu hwemagetsi avari kugaya.

KuKariba magetsi akaderedzwa nekushomeka zvakanyanya kwemvura. KuHwange kuchiteshi chinoshandisa marasha, huwandu hwemagetsi hwadererawo kutodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Kuchiteshi cheHarare Power Station, ngoma ndiyo ndiyo. Izvi zvinonzi zvave nemavhiki maviri zvichikanganisa vemabhizimisi.

Mutungamiri wesangano revemabhizimisi reZimbabwe National Chamber of Commerce VaDavison Norupiri vanoti magetsi akatanga kunetsa mavhiki maviri apfuura nekudaro havasati vanyatsoita ongororo yekuti angakanganise zvakadii mabasa mumakambani.

Vagari vemumaguta akawanda vanoti vave kugara murima sezvo magetsi ave kugara achidzima dzimwa.

Makambani emunyika agara hawo ange achishanda pasvikamu zviri pasi pezvikamu makumi mana kubva muzana. Izvi zviri kukonzerwa nekushaya mari nezvimwe zvikwanisiro.

Hurumende yakaparura hurongwa hweZIMASSET kuti ivandudze hupfumi asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti chirongwa ichi chakona n'anga murapwa achida.

XS
SM
MD
LG