Muzvinabhizimisi VaMutumwa Mawere avo vari kunetsana nehurumende nemakambani avo avanoti akatorwa nechisimba vanoti shoroma yekuNigeria VaAliko Dangote vanofanira kutamba vakachenjera mukudyidzana neZimbabwe.
VaDangote vakazivisa mazuva apera kuti vanoda kuvamba mabhizimisi emari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora munyika.
Vari kuronga kuvamba mabhizimisi munyaya yesimende, kuchera marasha nemagwenya emagetsi. VaMawere nehurumende vave nemakore vachinetsana nenyaya yemigodhi yeShabanie Mashaba Mines.
Zimbabwe yagara ichitadza kukwezva vekunze kuti vatange mabhizimisi ichipomerwa mhosva yekusakoshesa kodzero dzavana muzvinabhizimisi.
Asi hurumende inoti chapa kuti nyika itatarike inyaya yezvirango zvainoti yakatemerwa nenyika dzekunze dzakaita seAmerica neBritain. Asi nyika idzi dzinoti Zimbabwe inotyora kodzero dzevanhu.