Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisira Zvakawanda Kubva Kushoroma VaDangote


An kiyasta cewa arzikin Aliko Dangote ya kai dala biliyan 20.2.
An kiyasta cewa arzikin Aliko Dangote ya kai dala biliyan 20.2.

Sachigaro wesangano rinoona nezvekukwezva vemabhizimisi vekunze munyika reZimbabwe Investment Authority VaNigel Chanakira vanoti hurongwa hwekuda kuvamba mabhizimisi munyika huri kuitwa neshoroma yekuNigeria VaAlhaji Aliko Dangote hwakakosha zvikuru mukumutsiridza hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

NeMuvhuro VaDangote vakatumira chikwata chevanhu vatanhatu kuzogadzirisa mapepa ekutanga mabhizimisi munyaya dzekugadzira simende uye kuchera marasha muZimbabwe.

Izvi zviri kuitwa kuburikidza nekambani yaVaDangote inonzi Dangote Industries Limited.

Chikwata ichi chiri kuita misangano nemakurukota ehurumende ane chitsama kusanganisa vanoona nezvezvicherwa VaWalter Chidhakwa uye vezvemamiriro ekunze Amai Oppah Muchinguri Kashiri.

Pachirongwa chekambani yesimende, VaDangote vari kutarisirwa kudyara mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu.

VaChanakira vanoti pane zvose zviri kuda kuitwa naVaDangote, zvinogona kusvika bhiriyoni imwe chete yemadhora. Zimbabwe yave nemakore akawanda ichitadza kukwezva vekunze vanoda kutanga mabhizimisi munyika.

Hurumende inoti izvi zviri kukonzerwa nezvirango zvainoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekunze ichipomerwa mhosva yekutora minda kubva kuvachena kutanga muna 2000.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti nyaya yekutonga nedemo ndiyo yakapa kuti Zimbabwe itemerwe zvirango.

Hurukuro naVaNigel Chanakira
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG