Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vononga Svosve neMuromo neNyaya yeHupfumi Hwaenda kuMawere


Zimbabwe Retailers Boost Food Prices in Anticipation of Year-End Bonuses
Zimbabwe Retailers Boost Food Prices in Anticipation of Year-End Bonuses

Veruzhinji munyika vanoti kusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika kwakonzera kuti hupenyu huvawomere kunyange hazvo hurumende ichiti ine hurongwa hwakasimba hwekuvandudza hupfumi hwenyika.

Vanhu vakawanda munyika vanoti hupenyu hwavawomera zvichitevera kuwondomoka kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika. Mumwe wevanhu ava, VaGodfrey Banhwa vanogara mumusha weBudiriro muno mu Harare vanoti vakaburira muzvidzidzo zvavo zve Development Studies pane imwe yunivhesiti yemuno asi vanoti vave nemakore matatu vagere kumba.

VaBanhwa vanoti vavakuswera vachigeza motokari dzevanhu mudhorobha kuti vakwanise kuchengeta mudzimai wavo nemapatya avo.

Muzvare Kudzai Chiwanza vanogara ku Southerton vanoti kuwoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika kwanyanya kuomera vanhukadzi vachiti chipfambi chizhinji chiri kuitwa munzvimbo dzakawanda chiri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Muzvare Chiwanza vanoti kushayikwa kwemari kwavakukonzera kuti madzimai mazhinji atadze kutenga zvipfeko zvemukati panguva yavanenge vachitevera. Nekuda kwekuooma kuri kuramba kuchiita hupenyu, vanhu vazhinji mu Harare vavekutsvaga zvinhu zvingavararamise.

Amai Getrude Govere vanogara mu Gen Norah vanoti mushure mekuenda papenjeni makore mashanu apfuura, vakaona zvakakodzera kuti vatange kuswera vachitengesa matohwe, tsubvu pamwe nemasau mudhorobha vachiti penjeni yavo ishoma zvikuru zvekuti havakwanise kuterera imba yavanogara nemhuri yavo.

Amai Govere vanoti vanobva kumamisha vachivahodhesera michero yavanotengesa vanenge vakatarisirawo kuwana chouviri pamichero yavo asi nguva zhinji vanogara vakashaya mari yekuvapa sezvo vachiti mari inenge yapeera mukubhadhara mafaindi kukanzuru yeHarare iyo isiri kubvumidza vanhu kuti vatengesere kunzvimbo dzisina kutatrwa.

Vanoenderera mberi vachit havasi kuda kuenda kunzvimbo dzakatarwa nekanzuru idzi vachiti mari yavanowana mukutengesa kwavanoita haikwane kuti vabhadhare mitero kukanzuru pamwe nekuchengeta mhuri yavo.

VaFarai Kabesha vanogara ku Mbare vanoti vanoswera vachitsvaga chero munhu anenge achida kubatsirwa kutakura zvinhu pamusika kuti vawane chouviri.

VaKabesha vanoti havana chavari kuona chiri kuitwa nehurumende kuedza kugadzirisa hupfumi hwenyika. Nekugarochema-chema kuri kuita veruzhinji, vamwe vanhu vakaita sa Amai Govere vanoti hurumende yaVaRobert Mugabe inofanira kutsvaga nzira dzkuvandudza hupfumi hwenyika nekukasika.

Amai Govere vanoti zvinhu zvakamboita nani pakawumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009 asi zvinhu zvakazotanga kuwoma zvakare pakaitwa sarudzo.

Asi VaKabesha vanoti chave kutodikanwa ndechekuti pambotsvagwa imwe hurumende ine pfungwa itsva dzinogona kufambisa hupfumi hwenyika zvakanaka.

VaMugabe vakaudza nyika svondo rapera kuti hurumende yavo ichashanda zvakasimba kusimbaradza nyaya dzezvekurima kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Hurumende yavo inoti chirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimbabwe Agenda for Sustainable Socio Economic Transformation kana kuti Zimasset chikazadziswa chinogona kusimudzira hupfumi hwenyika uhwo hwagwadama.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe ikasawana chikwereti chimwe chakakura kubva kunze kugadzirisa hupfumi acharamba ari manyautsa mukanwa chembere kurota ichiyamwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG