Accessibility links

Breaking News

ZDI Inoti Hurumende Ngaivandudze Zvinhu Nyika Isati Yadonha


Sangano ravanachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute kana kuti ZDI riri kuyambira hurumende kuti ikasavandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi, nyika inoguma yasvika kumazivandadzoka.

Mugwaro rayo rakanzi Zimbabwe Political Economy Review; The Economic Contradictions in Zimbabwe Job Losses, ZDI inoti munyika vanhu vabatwa nekutya uye vanhu havana kugadzikana uku hurumende ichiwedzera kutonga nedemo ichityisidzira vanhu.

Sangano iri rinotiwo huwandu hwevanhu vasiri kushanda munyika hwasvika pazvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana.

ZDI inoti vanhu vakawanda vachatobuda munyika vachinotsvaga chouviri kuSouth Africa nekuBotswana.

Hurumende inoti hayo vanhu vasiri kushanda vanosvika zvikamu gumi kubva muzana chete nekuti inotarisawo vaye vanozviitira mabasa emaoko.

Mukuru weZDI, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti hurumede inofaira kuvandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika uye kuisawo mitemo inokwezva vemabhizimisi vekunze.

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG