Accessibility links

Breaking News

IMF Yosimbisa Kusakweretesa Zimbabwe Kudzamara Yabhadhara Zvikwereti Zvayo Zvose


IMF Logo
IMF Logo

Mumiriri we International Monetary Fund kana kuti IMF muZimbabwe, VaChristian Beddies, vanoti bhanga ravo iro riri kutumira nhumwe kuZimbabwe svondo rinouya, harisi kuzopa Zimbabwe chimwe chikwereti kusvika yabhadhara zvikwereti zvose kubhanga iri uye kune mamwe mabhanga ose ekunze.

Vakuru mubazi rezvemari vari kusimbirira kukumbira chimwe chikwereti kuIMF vachiti zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika hazvina kumira zvakananka uye kuti Zimbabwe igadzirise hupfumi inotoda imwe mari.

Zimbabwe neIMF zviri kushanda zvose pasi pechirongwa cheStaff Monitored Programme apo Zimbabwe inenge ichipihwa ruzivo asi pasina mari yekukwereteswa.

Vamwe vari muhurumende vanoti nenyaya yekuda kufadza IMF nenhema hurumende yakagumura basa varairidzi chiuru chimwe zvisina tsarukano ichiti vainge vasiri panzvimbo pakaitwa ongororo.

IMF yagara ichiti vashandi vehurumende vakawandisa.

Asi sangano revarairidzi re Zimta rinoti varairidzi vakangodzingwa zvisina tsarukano.

VaBeddes vanotiwo Zimbabwe iri kungobvisa mari shoma shoma yekubhadhara chikwereti icho chinosvika mamiriyoni zana nemakumi maviri emadhora.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti Zimbabwe haina mukana wekupihwa mari isina kutanga yapedza kubhadhara zvikwereti.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG