Accessibility links

Breaking News

Vakabviswa kuTokwe Mukosi Vopa VaMugabe Tsamba yeNyunyuto


President Robert Mugabe
President Robert Mugabe

Vagari vekuTokwe Mukosi vanosvika zviuru zviviri vanyora tsamba yenyunyuto kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachigunun’una kuti vave kuziya nenzara uye kuti makurukota avo ehurumende ari kupota achireva nhema pahurongwa hwekugadzirisa matambudziko avo.

Vanhu ava vakabviswa kumahombekombe kwedhamu reTokwe Mukosi muna 2013.

Mutsamba iri mumaoko eStudio 7 iyo yakaendeswa kuhofisi yaVaMugabe yeMunhumutapa neChitatu, vanhu ava vanoti pari zvino vanenge vari kugara mujeri chaimo nenyaya yekuomerwa nehupenyu.

Vanhu ava vanoti nzvimbo yavakanzi vagare yeNuanetsi haigariki sezvo isina mvura yekunwa.

Vanhu ava vakumbira VaMugabe kuti vashanyire nzvimbo iyi vazvionere voga kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Vari kutungamira vagari vepaChingwizi, VaKenneth Mlavo, vanoti vari kushishikana zvakanyanya.

XS
SM
MD
LG