Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vosvika muNew York kuMusangano weUnited Nations


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvika muNew York neChitatu pamberi pemusangano weUnited Nations uchange uchitarisa nezvenyaya yechirwere che ebola we International Ebola Recovery Conference nemusi weChishanu.

VaMugabe vari kuperekedzwa nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, nevamwe.

Kunyange hazvo VaMugabe nemakurukota avo vakatemerwa zvirango zvekufamba nehurumende yaVaBarack Obama, vari kukwanisa kupinda munyika iyi vachifambira zvine chekuita neUnited Nations, uye havabvumidzwe kufamba rwendo rwunodarika mamaira makumi maviri nemashanu kubva panhandare yavakasvikira.

Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki Moon, vakadaidzira musangano uyu vachiti kunyangwe vanhu vari kubatwa nechirwere ichi vari kuita vashoma, nyika dzepasi rino dzinofanira kuramba dzichishanda zvakasimba kutsvaga mari yekurwisa chirwere che ebola.

Vanhu vanosvika zviuru makumi maviri nevanomwe vakabatsa nechirwere ichi, vanhu zviuru gumi nerimwe vakafa zvikuru munyika dzakaita se Guinea, Liberia ne Sierra Leone.

Zimbabwe haina kubvira yawirwa nedambudziko re ebola. Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association riri kuyambira kuti zvinhu munyaya dzezvehutano zviri kuderera zvinotyisa. Sangano iri rinoti riri kushushikana nekushanda kwe PSMAS neCIMAS masangano avati ari kutyora kodzero dzevarwere.

Ratiwo riri kushushikana nenyaya yekuti ongororo yakaitwa na Auditor and Comptroller General inoratidza kuti mari musangano iri haisi kushandiswa zvakanaka.

Mutungamiri weZHDA, Dr Fortune Nyamande, vanoti hurumende inofanira kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehutano.

Hurukuro naVaFortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG