Accessibility links

Breaking News

Vakadzingwa kuKitsiyatota Vochema naAmai Mugabe Vachiti Vakavarasisa


Kusamira zvakanaka kwezvinhu muBindura kuvanhu vakadzingwa panzvimbo yeKitsiyatota paikorokozwa goridhe inyaya yainge iri mudariro neChishanu paBindura Univeristy pamusangano werunyararo we Internation Africa Peace and Security Education Conference wakarongwa ne Bradford University nesangano reFriedrich Ebert Stiftung.

Vanhu vanodarika zviuru zvitatu vaichera goridhe vakadzingwa nemapurisa panzvimbo yeKitsiyatota mwedzi wapera.

Vamwe vakataura pamusangano wepaBindura uyu vakayambira kuti zvinhu zvinogona kusagadzikana zvakanaka muguta reBindura sezvo vamwe vanhu vakadzingwa nemapurisa vakasiiwa pamhene.

Mashoko aya anotsinhirwawo nesangano reZimbabwe Informal Sectors Organization, ZISO, iro rinoti riri kushushikana kuti vanhu vakasara vasina chouviri.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, negurukota idzva rezvezviwanikwa, Amai Oppah Muchinguru Kashiri, vakambovimisa vanhu ava mukupera kwegore rapera kuti hurumende ichavapa matsamba ekushanda zviri pamutemo pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

Vanhu ava vaudzawo Studio 7 kuti vainge vabhadhara mari inosvika madhora mazana maviri pamunhu kuti vaite mishandira pamwe asi vanenge vakasungirira mari pagumbo rengwe.

ZISO inoti kuungana muBindura kwaita vanhu ava nepamusana pekushaya mari yebhazi yekudzokera kwavakabva, kuchapa kuti vamwe vanhu vatange kuita zvekuba nemamwe mabasa asiri pamutemo.

Goridhe raicherwa pamugodhi uyu rinonzi raitengeswa kuvanhu vanobva kuChina nekuFidelity Printers.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemabhizimisi madiki neepakati, Amai Stembiso Nyoni, sezvo nharembozha yavo yange isingadairwe.

Mumwe mudzidzisi paBindura University, VaObediah Dodo, avo vakaita ongororo paKitsiyatota vanoti vezvematongerwo enyika vari kushandisa vechidiki munguva yekutsvaga rutsigiro vozovasiya pamhene kana sarudzo dzapera.

Hurukuro naVaObediah Dodo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG