Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Voratidzira muHarare


Un vendeur de rue du Zimbabwe écrit sur une banderole qu’il est diplômé d’université, exhortant le gouvernement à arrêter de les chasser lors d'une manifestation à Harare, le 24 juin 24, 2015.
Un vendeur de rue du Zimbabwe écrit sur une banderole qu’il est diplômé d’université, exhortant le gouvernement à arrêter de les chasser lors d'une manifestation à Harare, le 24 juin 24, 2015.

Vanotengesera mumigwagwa neChipiri vanopfuura mazana matatu vakaratidzira mu Harareku nyangwe hazvo mapurisa akayedza kuvarambidza kusvitsa gwaro renyunyuto kudare reparamende.

Vairatidzira ava vaipika kuti havasi kuzobvuma kubviswa mumigwagwa mavanoshandira pakati peguta kana hurumende isati yavapa nzvimbo dzekushandira dzakanaka.

Varatidziri ava vakatangira kuratidzira pakatarisana nemahofisi ekanzuru yeHarare pana Rezende ndokupinda muna Nelson Mandela vakananga kuparamende apo pavazomiswa nemapurisa panosangana Nelson Mandela na Julius Nyerere kwenguva inokwana awa imwe chete mapurisa achiramba kuti varatidziri ava vaendese gwaro ravo renyunyuto kuparamende.

Asi apo mapurisa ainge ari pakati pekurambidza varatidziri kuenderera mberi, mumwe wevanga vachitungamira varatidziri ava, VaJustice Munayi ,vanove munyori mubhodhi rerimwe remasangano anga achiratidzira aya re National Vendors Union Zimbabwe, kana NAVUZ, vakaudza varatidziri ava kuti sevanhu vanotengesera mumigwagwa havasi kuzofa vakabvuma kubviswa mumigwagwa musi weChishanu uyo wakatarwa nehurumende kuti vange vabva mumigwagwa.

Zvakataurwa naVaMunayi zvakatsinhirwawo nemutungamiri weNAVUZ, VaSamuel Wadzai.

Mumwe wevanga vachiratidzira ava uye vari nhengo yeMDC-T inomirira Bulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vakaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kutanga yagadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti vanhu vari kutengesera mumigwagwa vawane mabasa.

Varatidziri ava vakazobvumirana nemapurisa aya ainge akatakura zvombo kuti gwaro renyunyuto ravanga vainaro riendeswe kuparamende nevanhu vana chete uye kuti vamwe vese vasare vakamira panosangana Nelson Mandela na Julius Nyerere pavasara vachiimba zvakaomarara.

Kuratidzira uku kunouyawo apo dare repamusoro ranga rabvumidza vanhu ava kuratidzira mushure mekunge mapurisa ange aramba neMuvhuro kuti vaenderere mberi nekuratidzira nyangwe zvazvo mapurisa akambenge abvuma.

Zvichakadaro, sangano re Zimbabwe Informal Sector Organization kana kuti ZISO rasvitsawo gwaro renyunyuto kugurukota rinoona nezvematunhu, VaIgnatious Chombo.

Sangano re Ziso riri kuda kuti hurumende isiyane nehurongwa hwayo hwekuda kudzinga vanotengesera mumigwagwa uye kuti igare pasi nevemasangano anomirira vanhu vese ava kuti vawirirane nzira dzokuti nyaya iyi yogadziriswa sei.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG