Accessibility links

Breaking News

Musangano weKimberly Process Wotanga KuAngola


Musangano weKimberly Process Certification Intercessional Plenary Scheme watanga kuLuanda, Angola neChipiri Zimbabwe ichichema nerekuti pane dzimwe nyika dzichiri kurwisa kuti isabvumidzwe kutengesa mangoda ayo. Musangano uyu uri kupera nemusi weMugovera.

Vachitaura pamusangano uyu, gurukota rinoona nezvezvicherwa VaWalter Chidhakwa vanoti Zimbabwe iri kuita zvose zvinodiwa neKPC mukutengeswa kwemangoda. Vanoti Zimbabwe iri kuita zvose zvinodiwa neKPC mukutengeswa kwemangoda.

Vamwe vakuru muhurumende vanoti sangano reWorld Policy Institute rinoda kuti Zimbabwe isatengesa mangoda nekuti iri kutengesa mangoda pamusika wekuDubai zvinonzi zvinogona kupa kuti mari dzemangoda dzigume dzave mumaoko evanopfurikidza mwero.

Imwe kambani yekuBelgium inonzi Omega Diamonds yakabhadhariswa mari inosvika mamiriyoni zana nemamukumi mapfumbabwe nemashanu madhora ne KPC ichinzi yaisabhadhara mitero.

Mangoda anotengeswa nekuDubai sezvinoitwa eZimbabwe anonzi anozoguma ave mumaoko emakoronyera uye vanhu vashoma ndivo vanoguma vowana mari yemangoda nenyaya yechikiribidi.

Asi mukuru wekambani yePartnership Africa Canada, VaAllan Martin, avo vari kumusangano uyu vaudza Studio 7 kuti vakuru vehurumende yeZimbabwe vari kungorova bembera dzenhema panyaya iyi.

VaMartin vati KPC inofanira kuona kuti mangoda atengeswa zviri pamutemo uye haafanire kuguma ave mumaoko evanopfurikidza mwero.

VaMartin vatiwo Zimbabwe haifanire kungovhunduka chati kwatara. Kunyange hazvo makambani ekuMarange ave nemakore achichera mangoda, vakawanda, kusanganisira mamwe makurukota ehurumende vanoti havasi kuziva kuti mari yacho inofambiswa sei.

Vashandi vakawanda kumakambani ekuMarange vari kupedzawo mwedzi vasina kubhadharwa vamwe vachigumurwa.

Vakawanda vaifunga kuti mangoda achavandudza hupfumi asi zvinenge zviri kukona n’anga murapwa achida.

Sachigaro wesangano reResources Exploitation Watch iro rinorerekera zvakanyanya kuhurumende, VaTafadzwa Musarara vanoti zvekunakumisa Zimbabwe kutengesa mangoda hazvishande.

Hurukuro naVaTafadzwa Musarara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG