Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinowana Mutumbi waVaAmos Midzi Uine Muchetura Mukati


Amos Midzi
Amos Midzi

Ongororo yakaitwa navana mazvikokota pamutumbi wevaive gurukota uye vakambomirira Zimbabwe muAmerica, VaAmos Midzi, avo vakashaya neChipiri, inoratidza kuti pane muchetura wawanikwa uri mumutumbi wavo.

Hama dzemufi dziri kuti matambudziko emuZanu-PF ndiwo anogona kunge akashungurudza hama yavo kusvika murufu.

Vataura vakamirira mhuri, uye vari mukoma wemufi, Doctor Stanley Midzi, vatenda kuti vanachiremba vaburitsa gwaro rekutanga vachiti VaMidzi vakazviuraya asi ongororo ichiri kuenderera mberi.

Vanachiremba vazivisa neChitatu kuti mushure mekuvhenekwa kwemutumbi waVaMidzi navana mazvikokota zvakabuda pachena kuti vakanwa muchetura vakazviuraya.

VaMidzi vainge vambomiswa kuve nhengo yeZanu-PF kwemakore mashanu vachipomerwa mhosva yekutsigira vakadzingwa mubato iri, Amai Joice Mujuru.

Doctor Midzi vati nyaya dzekumbomiswa mubato reZanu-PF dzange dzoshungurudza zvikuru mufi uye ndizvo zvinogona kuva zvakapa kuti vagume vasvika murufu sezvo vange vaine nguva yakareba vachishandira bato asi vachiramba vachishungurudzwa.

Doctor Midzi vati havo hapana tsamba yavaona yavangati yakasiiwa nemufi.

Asi rufu rwaVa Amos Midzi rwaunzawo pamwechete vanhu vange vave makara asionane vainge vari nhengo dzeZanu-PF.

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vaive mutauriri webato, VaRugare Gumbo uye vaiona nezvekufambiswa kwemabasa mubato iri, VaDidymus Mutasa, vange vari kumba kwaVaMidzi kuMount Pleasant muHarare neChitatu.

Vanoona nezvekurongwa kwezvematongerwo enyika muZanu-PF, VaSaviour Kasukuwere, uye sachigaro weHarare Province, VaGodwills Masimirembwa, vange varipowo parufu urwu.

VaMasimirembwa vati VaAmos Midzi munhu akashandira bato reZanu-PF zvikuru. Mashoko aya atsinhirwawo naVaGumbo, avo vati VaMidzi havana kumbotaura zvange zviri kutsi kwemoyo wavo rufu urwu rwusati rwaitika.

Bato reZanu-PF mudunhu reHarare riri kuzeya kuti voitwa gamba here kana kuti kwete.

Asi apo Zanu-PF iri kuenderera mberi ichizeya nyaya iyi, Doctor Midzi vati vari kuenderera mberi nehurongwa hwekuvaradzika. Vati vanofunga kuti vachavaradzika kumarinda ekuGlen Forest muHarare.

Kana chiri chokwadi kuti vakazviuraya, Va Amos Midzi vanoita munhu wechitatu aive nhengo yedare remakurukora kunzi azviuraya.

Vamwe vanonzi vakazviurauya ndiVaEdmund Garwe vaive gurukota rezvedzidzo muna 2001 uye vaive gurukota rezvematongerwo enyika VaMaurice Nyagumbo muna 2001.

Nyaya Ina BLessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG