Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kubatira Mitero yeHutano


Hurumende inoti ine hurongwa hwekuparura chirongwa chekuti vanhu vose vange vachiwana mukana wekurapwa kuburikidza nekubhadharisa mitero vari kushanda nevari kuwana mari kukambani yeNational Social Secutiy Authority, NSSA.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa muHarare neMuvhuro weTripartite Negotiating Forum, TNF.

Musangano uyu unounza pamwe chete hurumende, vashandi nevashandirwi.

Uyu ndiwo musangano wekutanga weTNF kubva mugore ra2010.

Misangano yeTNF yakambomiswa nenyaya yekusawirirana pakati pemapoka matatu aya.

TNF yakaumbwa paine chinangwa chekuti nhaurirano dzipe kuti pave nechinangwa chimwe chete munyika pakuyedza kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vakaparura gwaro reKadoma Declaration muna 2010 iro rinotara zvinangwa zveTNF.

Gwaro iri ndiro rine zvibvumirano zvemisangano yeTNF izvi zviri kunetsa kuzadzikisa.

Gurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, vanoti hurongwa hwekuona kuti vanhu vawana hutano kuzadzikisa bumbiro remitemo rinoti vanhu vose vanofanira kuwana mukana wekurapwa..

Hurukuro naAmai Priscah Mupfumira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, nerevashandirwi re Employers’ Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, anoti anotambira nemufaro kutanga kwemisango yeTripartite Negotiating Forum achiti zvichabatsira mukuvandudza hupfumi hwenyika hwaenda kumawaere.

Asi masangano EMCOZ neZCTU anoti pari zvino haasi kutambira chirongwa chehurumende chekuti NSSA itungamire hurongwa hwekutora mitero kuvanhu semari ichashandiswa munyaya dzehutano hwevanhu.

Mutungamiri wesangano reEMCOZ, VaJohn Mufukari, vanoti misangano yeTNF inobatsira asi havatenderane nenyaya yekubhadhara mari yemitero yezvehutano.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanotiwo vashandi havana chivimbo neNSSA.

Hurukuro naVJaphet Moyo naVaJohn Mufukari
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG