Accessibility links

Breaking News

Telecel Zimbabwe Yoramba Ichitemesa Vakawanda Musoro


VaSupa Mandiwanzira
VaSupa Mandiwanzira

Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo mukambani yeTelecel Zimbabwe iyo yakakanzurirwa rezinesi nehurumende svondo rapera ichipihwa mazuva makumi matatu ekuti ipete mabasa ayo.

Gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vakaudza komiti yeparamende yezvekufambiswa kwemashoko neChipiri kuti rezinesi reTelecel rakakanzurwa nekuda kwekuti Telecel International, iyo ine zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, yakundikana kupa vatema zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana sezvinodiwa nemutemo.

Mukambani iyi, zvizvarwa zveZimbabwe kuburikidza nekambani yeEmpowerment Corporation zvine zvikamu makumi mana kubva muzana.

Hurumende inonziwo iri kuramba kutambira chirongwa cheTelecel chekuti vashandi vekambani iyi vanosvika chiuru chimwe chete vatore zvikamu gumi nechimwe kubva muzana.

Paimbenge paitawo kunetsana pakati peTelecel-Zimbabwe nePOTRAZ nenyaya yekuti kambani iyi yange ichitatarika kubhadhara mari inosvika zana nemakumi matatu nemanomwe emamiriyoni emadhora.

Asi pane mashoko ekuti Telecel Zimbabwe yange iri kubhadhara zvishoma nezvishoma mushure mekunge paitwa chibvumirano chemakore manomwe chekubhadhara chikwereti ichi.

Telecel inonzi yabhadhara mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nematanhatu emadhora kusvika pari zvino.

Mutungami wesangano reAffirmative Action Group, VaChamu Chiwanza, vanoti vanotsigira danho rehurumende panyaya yekutora rezinesi reTelecel Zimbabwe.

Munyori mukuru musangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vari kugunun'unawo nekuti vashandi vacharasikirwe nemabasa.

XS
SM
MD
LG