Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeHurumende Inoti Goho reMwaka Uno Rishoma


Maize crop
Maize crop

Gwaro remamiriro ezvinhu munyika panyaya dzechikafu reCrop Assessment Report rinoratidza kuti nyika inofanira kutenga chibage chinosvika zviuru mazana manomwe zvematani gore rino kuti vanhu vasaziye nenzara.

Gwaro iri rinoratidza kuti goho rakadzika nezvikamu makumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana zvichikonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nemafashamu emvura.

Gwaro iri rinoti Masvingo ndiro dunhu rine nzara yakanyanya asi zvinhu zviri nani zvikuru kuMashonaland West ne Mashonaland Central.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vati varimi vemapurazi makuru kana kuti ma A2, ndivo vakarima chibage chakawanda chinosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana zvichienzaniswa nezvikamu makumi maviri kubva muzana gore rapera.

Varimi veminda midiki kana kuti A1 ndivo havo vane goho rakakura rinosvika zvikamu makumi matanhatu nezvipfumbabwe kubva muzana.

Asi kwekuwana chibage kuchagona kunetsa nekuti South Africa inoti inogona kusatengesa chibage nekuti naiyo haina goho rakakwana.

Zimbabwe ichange ichikwikwidazanawo kutsvaga chibage nenyika dzakaita seMozambique neMalawi. Zimbabwe inogona hayo kuwana chibage kubva kuZambia ndokunge yawana mari yacho yekutenga.

Gurukota rezvekurima muZambia, VaGiven Lubinda, vanoti Zambia yakashura mare mwaka uno pakurima chibage uye inokwanisa kutengesa miriyoni imwe chete yematani echibage.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanzi nedare remakurukota vave sachigaro wekomiti inoona nezvechikafu.

Mukuru wesangano rinobatsira nechikafu reChristian Care, Reverend Stanlus Chatikobo, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu munyika.

Hurukuro naVaStanlus Chatikobo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG