Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veSADC Votarisirwa Kuparura Gwara reHupfumi


ዴቢ ሬይኖልድስ እና ኬሪ ፊሸር
ዴቢ ሬይኖልድስ እና ኬሪ ፊሸር

Vatungamiri veSADC neChitatu vari kutarisirwa kunyorerana chibvumirano chekuita mushandira pamwe pakugadzirisa maindasitiri kuitira kuti nyika dzavo dziwane pundutso.

Chibvumirano ichi chiri kutarisirwa kuti chinge chiri chemakore makumi mana nemanomwe kubva muna 2015 kusvika muna 2063.

Munyori weSADC, Dr Stergomena Lawrence Tax, vanoti chibvumirano ichi chikanyoreranwa, nyika dzemuSADC dzichabudirira zvakanyanya munyaya dzezvehupfumi.

Hurongwa hwe SADC hwakanangana nekuumba maindasitiri, kuita mushandira pamwe mukutengeserana sezvinoitika mu European Union, pamwe nekukwenenzvera zvinotengeswa neSADC kuitira kuti zviwane mari yakawanda kana zvotengesa.

Misangano yemakurukota navana mazvikokota yakatanga neMugovera senzira yekuronga hwaro hwemusangano wevatungamiri venyika idzi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Reserch Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti havaone Zimbabwe ichibuda nechouviri.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaDavison Norupiri, vanoti Zimbabwe ichakwanisa kubudirira ikashanda zvakanaka nedzimwe nyika.

Hurukuro naVaProsper Chitambara naVaDavison Norupiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG