Accessibility links

Breaking News

Delta Inoti Vanhu Vava Kutenga Doro Shoma


Imwe kambani huru pamusika wekutengeserana weZimbabwe Stock Exchange inoti huwandu hwedoro rakatengeswa mukati memwedzi mipfumbamwe kusvika muna Zvita gore rapera, hwakaderera nezvikamu makumi maviri kubva muzana.

Izvi zviri kuenzaniswa nehuwandu hwedoro rakatengeswa munguva imweyo mugore ra 2013.

Kambani yeDelta Corporation inoti kana muna Zvita munosimbotengeswa doro rakawanda pazororo rekisimusi, vanhu havana kutenga doro rakawanda rwendo rwuno.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kutadza kupa vanhu bhonasi munguva iyi kwakaitwa nehurumende nemamwe makambani zvakapa kuti vanhu vatadze kutenga zvinhu zvakaita sedoro sezvo vaiva vasina mari.

Mumwe muratidzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mashoko akaburitswa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, ekuti vachaderedza mari yebhajeti regore rino kubva pa mabhiriyoni mana nemamiriyoini zana emadhora kusvika pamabhiriyoni matatu nemazana mashanu emamiriyoni emadhora.

Mashoko aya ainge ari muGovernment Gazette. Asi dzimwe nyanzvi dzinoti hurumende inofanira kukoshesa maindasitiri mubhajeti rayo.

Nyanzvi idzi dzinotiwo hazvina maturo kuti mubhajeti yegore rapera hofisi yemutungamiri wenyika yakapihwa mari inosvika mamiriyoni mazana maviri asi mapazi ose ezvehupfumi akapihwa mari inodarika zvishoma zana remamiriyoni emadhora.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaChris Mugaga, avo vanoshanda nesangano reEconometer Global Capital, vanoti zviri kuitika kuDelta zvinoreva kuti hupfumi huchiri hwakananga kumawere.

Hurukuro naVaChris Mugaga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG